Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeNhaurirano Munyika Yoburitsa Maonero Akasiyanasiyana


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havana kupinda musangano wevemakereke, asi vatuma sachigaro webato ravo, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havana kupinda musangano wevemakereke, asi vatuma sachigaro webato ravo, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvinoti zvinofadzwa nematanho enhaurirano akaparurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nevemakereke, ekuti munyika muitwe nhaurirano dzemapoka ose ane chekugadzikana kwenyika.

Asi vamwewo ndivo vanoti havafungi kuti VaMngangagwa vari kuita izvi nemwoyo wese, asi kuti vari kuda kubata kumeso vatungamiri venyika dzemuAfrica pamberi pemusangano weAfrican Union, uyo uri kuitwa muAdis Ababa kuEthiopia svondo rinouya.

VaMnangagwa vanonzi vakatotumira nhume dzavo dzinoti vakafanobata chigaro chegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaPerrance Shiri, kuKenya neTanzania, VaChristopher Mutsvangwa, kuZambia, pamwe naVaPatrick Chinamasa, kuBotswana neNamibia, kuti vafanopira mamiriro akaita zvinhu munyika.

Ukuwo, mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC, VaNelson Chamisa, havana kupinda musangano wakashevedzerwa naVaMnangagwa uyu vachiti vanoda nhaurirano dzinotungamirwa nemunhu asina divi raakarerekera, kwete naVaMnangagwa vavari kupikisa kuti vakabira sarudzo.

Nekune rimwe divi, VaMnangagwa havanawo kupinda musangano washevedzerwa nevemakereke nemusi weChina, asi kuti vanga vakamirirwa nasachigaro webato ravo reZanu PF, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri.

Mibvunzo yavepo ndeyekuti kana vaviri ava vachinzvengana, pane chichabuda here munhaurirano idzi, kunyange hazvo vamwe vatungamiri vemapato vakakwikwidza musarudzo vakapinda misangano iyi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kubato reZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu vanoti zvinhu zvakanaka chose kuti munyika matanga nhaurirano dzekutsvagana.

Asi VaChirumhanzu vanoti chinozoshamisa ndechekuti vamwe vezvematongerwo enyika havadi kupinda mumisangano iyi, izvo zvinozoita kuti zvionekwe kuti havasi pachokwadi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanotiwo chinhu chakanaka chose kuti munyika matanga nhaurirano, asi vanoti vanopokana nenyaya yekuti VaMnangagwa vave ivo vari kutungamira nhaurirano idzi.

VaMaguwu vanoti kuti nhaurirano idzi dziite chimiro, dzinofanirwa kutungamirwa nevanhu vasina mativi avakarerekera, uye dzichiitirwa kunzvimbo isina anoti ndepake, kwete kunzvimbo yakaita seState House.

Hurukuro naVaGadzira Chirumhanzu pamwe naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG