Accessibility links

Hurombo, Kushaikwa kweBudiriro Zvobatsira Zanu PF Kukunda Musarudzo

  • Jonga Kandemiiri

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mukuru weZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vanoti zvakabuda musarudzo ye by-election kuMwenezi East zvinoratidza kuti bato riri kutonga reZanu PF rinoshandisa mukana wehurombo nekusarira shure kwematunhu akaita seMwenezi munguva dzesarudzo.

Doctor Ruhanya vanoti dunhu reMwenezi East ndiro rine hurombo hwakanyanya uye kusarira shure zvichienzaniswa nemamwe matunhu ose emuMasvingo.

Vanoti nekuda kwaizvozvo, Zanu PF inogumisira yawana rutsigiro rwepamusoro kubva kuvagari, avo vanenge vachityisidzirwa kuti vanonyimwa chikafu kana kuti madzishe nemasabhuku achinzi amire nevanhu vavo panguva dzesarudzo.

Doctor Ruhanya vanoti kusapindawo kwakaita bato guru rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai musarudzo idzi, kwakaitawo kuti Zanu PF ikunde zvine mutsindo mukuru kwazvo, kunyange hazvo yaitarisiwa kungokunda kana dai MDC T yakapinda musarudzo idzi.

Doctor Ruhanya vanoti kuti izvi zvisaramba zvichiitika, panofanirwa kuwanikwa nzira dzekuti dzidziso ipinde muvanhu munguva dzesarudzo.

Sarudzo yeMwenezi East yaive yekutsiva vaive mumiriri wedunhu iri muparamende, VaJoshua Moyo veZanu PF, avo vakashaya.

VaJoosbi Omar veZanu PF ndivo vakakunda mushure mekuwana mavhoti 18 700, vachikunda VaWelcome Masuku veNCA, avo vakawana mavhoti 482 kuchozuya VaTurner Mango veFree Zimbabwe Congress Party vachiwana 386.

Mavhoti anonzi akakanganiswa anosvika 652.

Musarudzo dzemakanzuru, Zanu PF yakakunda NCA kwaGutu nekuZaka.

Doctor Ruhanya vanoti vanofadzwa nenzira yakavhota nayo vanhu sezvo paive nekukasika kukuru panguva yaitorwa nemunhu achivhota.

Asi vanoti vanhu vachiri kuda dzidziso yakakwana pamusoro pesarudzo sezvakaratidzwa nehuwandu hwemapepa aka kanganiswa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG