Accessibility links

Breaking News

Dunhu reMash West Roti Harichina Chivimbo naSachigaro veZLWVA, VaMutsvangwa


VaChristopher Mutsvangwa
VaChristopher Mutsvangwa

Sachigaro vesangano revaimbove varwiri verusununguko, reZimbabwe Liberation War Veterans Association, VaChristopher Mutsvangwa, vanonzi havachina rutsigirwo rwedunhu reMashonaland West, nekudaro dinhu iri rava kuti vabviswe pachigaro chasachigaro.

VaMutsvangwa, avo vari kurwisana kuti vakunde musarudzo dzema primary munzvimbo yeNorton mushure mekumbokundwa, vanzi vambomira kumiririra vaimbove varwiri verusununguko vachinzi hapana zvavari kuita panyaya dzematambudziko ari kusangana nevaimbove varwiri verusununguko ava.

Nhengo dzekuMashonaland West dzakawirirana neChitatu kuti VaMutsvangwa vambomira kuvamiririra sezvo vatadza kugadzirisa zvichemo zvavo kunyange vari chipangamazano chemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Munyori mukuru mudunhu reMashonaland West, VaNyikadzino Mudarika, vabvuma kuti dunhu ravo rakawirirana kubvisa VaMutsvangwa sasachigaro wavo vachiti hapana zvavari kuita mukupedza datambudziko avo.

VaMudarika vati vana vavo havasi kubhadharirwa mari dzechikoro uye mari dzavo dzemudyandigere hadzisi kuwedzerwa izvo vainge vawirirana kuti hurumende itsva igadzirise nekukurumidza.

VaMudarika vati vakafunga kuti zvavo zvazoita apo VaMutsvangwa vakaitwa chipangamazano chemutungamiri wenyika asi vanoti vari kushamiswa kuti nanhasi hapana zvati zvaitwa.

Sachigaro wevarwi verusununguko muMash West, VaCornelius Muoni, vabvuma kuti nhengo dzavo mudunhu hadzisi kufara nehutungamiri hwaVaMutsvangwa, vakati vachataura nemamwe matunhu kuti nyaya yaVaMutsvangwa vanoiona sei.

VaMuoni vati dunhu rimwe chete harigone kudzinga VaMutsvangwa pasina kutsigirwa nemamwe matunhu.

VaMuoni vati boka ravo rinofanirwa kungwarira vanhu vari kuda kuputsa boka ravo vachishandisa dzimwe nhengo dzavo vachiti vachapa VaMutsvangwa mukana wekutura nenhengo dzavo vasati vasangana naVaMnangagwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raVaMutsvangwa panyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaButler Tambo, vati simba raVaMutsvangwa riri kuenda richipera muhurumende itsva.

VaButler vati zvave kuitika muboka revaimbove varwi verusununguko zvinoratidza kuti VaMutsvangwa vanokundwa musarudzo dzekuNorton dziri kudzokororwa.

Vaimbove varwi verusununguko avo vaigara vachiita hwakiti nagonzo nevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti hurumende haisi kukoshesa magariro avo sezvo mari dzechikoro dzavanofanirwa kupihwa zviri pamutemo dzisiri kuuya uye mari dzavo dzemudyandigere ishoma uye hadziuye nenguva.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG