Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoramba Mashoko eKuti Vaida Kupfuudza VaMugabe


Amai Joice Mujuru
Amai Joice Mujuru

Vaive mutewedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru vanoti manyepo mashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe ekuti vaida kuvapfuudza nenzira yakafanana neyakashadiswa mukupfuudza vaive mutungamiri weDRC, VaLaurent Kabila.

Mumashoko ari mugwaro ravakaburitsa neMuvhuro, Amai Mujuru vanoti vakaramba kare mashoko ekuti vaida kuita VaMugabe kafiramberi, uye vakati vose vane humbowo hwekuti vari kuronga kuita izvi vahuburitse uye kuti nyaya iyi iiswe kumatare edzimhosva, asi kusvika pari nhasi hapana ati aita izvi.

Vanotiwo iye zvino vari kunzi vari muchikwata chePeople First, vakati iyi ikodzero yavo sezvavakarwira muhondo yerusununguko.

Vari kukurudzirawo mutungamiri wenyika VaMugabe kuti vasapedzere simba ravo pazvinhu zvisina nematuro iyo nyika isina magetsi, hupfumi hwenyika hwakarara nemanhede, vanhu vachiziya nenzara uyewo nyika yakatarisana nemhare inotyisa.

Vanotaura vakamirira chikwata chePeople First, VaRugare Gumbo vanoti havashamiswi nemashoko aVaMugabe ekuti vaida kupfuudzwa sezvo ari iwo magariro avo kubva munguva yehondo chaiyo.

“Izvi hazvitishamisi nekuti ndizvo zvavaiita kubva tichiri kuMozambique,” VaGumbo vanodaro.

VaKabila vakaurayiwa nemumwe wemauto aivachengetedza musi wa 18 Ndira mugore ra2001.

Zvichakadaro, vamwe vakarwa hondo yeChimurenga uye vari nhengo dzeZanu PF kuManicaland vanoti nyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe kana vasiya basa inofanira kuzeyiwa pachena.

Mumwe wevakarwa hondo ava VaIvan Mbengo vaudza Studio 7 kuti nyaya yekuti ndiyani achatsiva VaMugabe inofanira kuzeyiwa pachena.

Vati kusataura nyaya iyi kuchapa kuti mubato murambe muine kunetsana.

Zvichakadaro pane vamwe vanhu veZanu PF varatidzirawo kuManicaland vachida kuti Amai Monica Mutsvangwa vanove nhengo yeWomen’s League vadzingwe mubato vachinzi vakazvidza Amai Grace Mugabe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG