Accessibility links

Breaking News

Madzishe neMakereke Vofakaza paMhosva Iri Kupomerwa Pastor Mugadza


Pastor Philip Mugadza
Pastor Philip Mugadza

Hurumende inonzi yadaidza madzishe nevakuru vemakereke kuti vave zvapupu zvinofanirwa kuroverera Pastor Phillip Mugadza pamhosva yavari kupomerwa.

VaMugadza vari kupomerwa mhosva yekutaura nezvehope dzavanoti vakarota dzekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vachafa musi wa 17 Gumiguru gore rino.

Vadaidzwa kuzove zvapupu vanonzi vanosanganisira Ishe Negomo vekuMazowe kuMashonaland Central, Ishe Zvimba, vanove VaAlfred Tome, mutungamiri weApostolic Christian Council of Zimbabwe, Bishop Johannes Ndanga pamwe nemuzukuru waVaMugabe, VaRobert Zhuwawo.

Hurumende inonzi iri kuda kuti vanhu ava vaibatsire mukuroverera Pastor Mugadza nemhosva yekuzvidza madzishe, makereke pamwe nemhuri yekwaMugabe kuburikidza nechiroto chawo ichi.

Gweta riri kumirira Pastor Mugadza, avo vanove mukuru wekereke yeRemnant Church, VaObey Shava, vanoti Ishe Negomo vari kumirira nyika, VaTome vachimirira madzishe ekudunhu rinobva mutungamiri wenyika reMashonaland West.

VaZhuwawo vanonzi vari kumirira mhuri yekwaMugabe.

Asi VaShava vanoti kuvepo kwevafakazi vanoremekedzwa zvikuru uku hakuna zvakunoshandura panyaya iri kupomerwa VaMugadza, sezvo vari kuramba vakamira nerekuti havana mutemo wavakatyora.

Pastor Mugadza, avo vari kupomerwa mhosva yekutyora Section 42 (2) yeCriminal Law (Codification and Reform) Act, Chapter 9:23, vamiswawo zvakare pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuzvidza mureza mwenyika.

VaShava vanoti Pastor Mugadza vari kutarisirwa kudzoka zvakare mudare musi wa 05 Kubvumbi pachanzwikwa nyaya dzavo mbiri idzi mumatare edzimhosva.

Hurukuro naVaObey Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG