Accessibility links

Breaking News

Ongororo yeMPOI Yokonzera Mutauro Pakati peZanu PF neMDC T


VaRobert Mugabe, vari kurudyi, vaina VaMorgan Tsvangirai munguva yehurumende yemubatanidzwa
VaRobert Mugabe, vari kurudyi, vaina VaMorgan Tsvangirai munguva yehurumende yemubatanidzwa

Pava nemaonero akasiyanasiyana pamusoro peongororo yesangano reMass Public Opinion Institute, MPOI, iyo yakabuda ichiti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndiye munhu anovimbika naye zvakanyanya kudarika vamwe pavanhu vezvematongerwo enyika.

VaMugabe vanotevera mumashure mevafundisi, avo vanonzi ndivo vakawana vanhu vakawanda vakati vanovimba nevo zvakanyanya.

Kune vezvematongerwo enyika, VaMugabe vaienzaniswa nemutungamiri weMDC T, VaMorgan Tsvangirai, avo vakaiswa pachinhanho chachipiri, vachitevedzerwa nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru.

Vamwe vezvematongerwo enyika vemapato anopikisa uye vachitungamira bato rePeople’s Democratic Party VaTendai Biti vakaiswa pachinhanho chechina kune vezvematongerwo enyika, asi chechishanu pachisanganisirwa vafundisi.

VaWelshman Ncube, Vandumiso Gumede naVaLovemore Madhuku vanonzi vakawana rutsiigiro rwuri pasi pezvikamu gumi kubva muzana.

Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti sangano iri riri kuzvipinga ndare nekuda kwekuti rakaburitsa zvakare muongororo iyi kuti vanhu vakati vanotya kushoropodza mutungamiri wenyika.

Vanoti zviri pachena kuti munyika mhamuna rusununguko kana zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana zvakati zvintya kushoropodza VaMugabe nebato ravo reZanu PF, mauto pamwe nemapurisa.

“Overwhelming majority yevanhu vakaitwa surveyed neMPOI vanhu vanoti haaa, tinotya zvekutya zviya izvi, zvekuti kuti titsoropodze murume anonzi Mugabe uyu tinotya kutaura zviri pamwoyo pedu,” VaGutu vanodaro

VaGutu vanoti vanhu ivava vakati nekutya kwavanoti vanoita uku vanotongoti tinovada.

Asi nhengo yecentral committee yeZanu PF VaMunyaradzi Paul Mangwana vanoti vanopokana naVaGutu, vachiti vakaita ongororo iyi vakagona.

“Zvanga zvingori pachena kuti VaMugabe mutungamiri anodiwa nevanhu muZimbabwe,” vanodaro VaMangwana. “Vanohwinha ma election kubva 1980, iko zvino mabasa avo ari pachena, vakasunungura nyika, vakaunza ma policy anosimudzira vanhu vatema.”

VaMangwana vanoti vanoremekedza VaGutu segweta uye vane tarisiro yekuti kana vachitarisa ongororo iyi vane tarisiro yekuti kana vachitarisa zvbuda muongororo iyi vanofanirwa kupfeka nguwani yavo yehugweta, kwete yezvematongerwo enyika yavanonakidza nekunyepera vanhu.

Vamwewo vana veZimbabwe ndivo vanoti sangano reMPOI rinofanirwa kunyatsotsanangura kuti rakaifambisa sei, sezvo vanhu vakawanda vachizosara vaine mibvunzo sezviri kuitika pane ino nguva.

Imwe ongororo yakaitwa nesangano iri munaChivabvu ichi tungamirwa nerimwe sangano rinoita ongororo, reAfrobarometer, yakaratidza zvakare kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe munhu ane mukurumbira muvanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG