Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoshamisa Veruzhinji Vachiti Vasiya Basa


Vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe avo vasiya basa

Vange vari mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vasiya basa rekutungamira hurumende mushure mekunge vazivisa paramende kuti vasiya basa semutungamiri wenyika.

VaMugabe vatora danho iri panguva iyo paramende yanga ichitora matanho ekuvapomera mhosva sezviri mubumbiro remitemo yenyika, pachishandiswa nzira ye impeachment.

Mutauriri wedare reparamende, VaJacob Mudenda, vaudza nhengo dzeparamende dzanga dzaungana kuHarare International Conference Centre, kuti hurongwa hwe impeachment hwava kumiswa sezvo VaMugabe vabvuma kubva pachigaro.

Gurukota rezvemutemo, VaHappyton Bonyongwe, ndivo vanonzi vatura shoko rekusiya basa kwaVaMugabe kuna VaMudenda, izvo zvinonzi VaBonyongwe vatombopengerwa nedzimwe nhengo dzeparamende dzanga dzafunga kuti vari kuda kukanganisa hurongwa hwe impeachment hwanga hwatanga.

VaMugabe vasiya basa zvichitevera kupindira kwakaita mauto nemusi weChipiri svondo rapera achiti zvinhu zvanga zvaipa munyika, kusanganisira kuparara kwehupfumi munyika.

Bato reZanu PF rakatobuda nechisungo chekuti vakadzingwa semutevedzeri waVaMugabe muhurumende nemuZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, ndivo vari kutora basa raiitwa naVaMugabe.

VaMugabe vakaberekwa musi wa 21 Kukadzi 1924 kwaKutama mudunhu reMashonaland West. Vakadzidza paKutama neku Fort Hare University kuSouth Africa, mushure vakazoshanda semurairidzi.

Zanu PF yatosvitsa zita raVaMnangagwa kuti vatambirwe zviri pamutemo semutungamiri wenyika.

Pasi pemitemo yenyika, VaMnangagwa vanofanirwa kutora mhiko yekuva mutungamiri wenyika achabata matomu kusvika panoitwa sarudzo gore rinouya.

Muna 1963, VaMugabe vakasarudzwa semunyori mukuru webato idzva rakanga raumbwa reZimbabwe African National Union, Zanu.

Vakazosarudzwa semutungamiri webato iri muna 1975, muna 1980 vakazosarudzwa kuve mutungamiri wehurumende yeZimbabwe zvichitevera kukunda kwebato ravo musarudzo.

Muna 1987, vakazove mutungamiri wenyika kusvika kusiya kwavo basa neChipiri, Mbudzi 21, 2017.

Hurukuro naGodwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG