Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanopiwa Chipo cheChigaro Chinonyevenutsa Nyama neMarwadzo


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Makurukota ehurumende neMuvhuro asvitsa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, zvipo zvekucherechedza bhavhadhe ravo, iro raiveko musi wa 21 Kukadzi pamabiko aitirwa kumuzinda weState House.

VaMugabe vapiwa zvipo zvechigaro chino masaja kana kunyevenutsa nyama dzemuviri, pamwe nechiringazuva chine mufananidzo wavo nechinyoreso chine zita ravo.

Nekuda kwekukwegura kwaVaMugabe, vamwe vanga voti mutungamiri wenyika apiwa chipo chechigaro chinofamba, kana kuti wheelchair, kuitira kuti varerukirwe mukufamba.

Asi gurukuro rezvemabasa nekugara kwakanaka kwevanhu, Amai Prisca Mupfumira, varamba mashoko aya vachiti chipo chavapa kunaVaMugabe ndechekuti vazvitamure nyama dzavo vakagara zvavo, kana kuti kumasajwa.

"It's a straight-forward gym and massage chair, chete. It's a gym and massage chair, munodziziva chair dziriko, unogona kuti uri kumba kwako, kunyangwe ini ndinayo kumba kwangu, unayo kumba kwako, inombokugadzira instead yekumhanyamhanya uchiita exercise. Unogona kushandisa gym chair chete. That's all!" Amai Mupfumira vanodaro.

Hurukuro naAmai Prisca Mupfumira
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG