Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Voshoropodzwa neVamwe Pamusoro peMashoko avo ekuNyomba Pastor Mawarire

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti mashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ekunyomba vari kutungamira kuratidzira pasi pe #ThisFlag, Pastor Evan Mawarire mashoko anogona kukonzera kusagadzikana munyika.

VaRicky Mukonza, vanodzidzisa zvekufambiswa zvakanaka kwemabasa ehurumende paTswane University of Technology iri kuPolokwane, kuPretoria, muSouth Africa, vanoti vamwe veZanu PF vanogona kushandisa mashoko eruvengo aya kukuwadza Pastor Mawarire pamwe nevamwe vari kuvatsigira muhurongwa hwavo hwekushoropodza kukundikana kwehurumende kugadzirisa zvinhu munyika.

“Zvimwe zvinoratidzwa nemashoko aVaMugabe aya ndezvekuti mutungamiri wenyika haasi kutomboziva zviri kutora nzvimbo, nekuti VaMawarire vakati havasi kuzoita zvemhirizhonga. Vanongokurudzira chete vanhu kuti vagare mudzimba dzavo,” Doctor Mukonza vanodaro.

Doctor Mukonza vanotiwo kunyomba kwaVaMugabe Pastor Mawarire chiratidzo chekuti zvavari kuita zvazunza pamwe nekutyisa hurumende yavo.

“Tinozviziva kuti vatsigiri veZanu PF vakangonzwa munhu anenge atukwa netungamiri wavo, munhu iyeyo anotopinda munjodzi, saka VaMugabe vatoisa VaMawarire munjodzi,” Doctor Mukonza vanowedzera.

Vachitaura kumarinda eHeroes’ Acre muHarare pakuvigwa kwaDoctor Charles Utete, mutungamiri wenyika vakanyomba Pastor Mawarire vachiti vari kutumwa nenyika dziri kuvabhadhara kuti vashoropodze hurumende yavo.

Hurukuro naDoctor Ricky Munyaradzi Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG