Accessibility links

Breaking News

Vanoongorora zveMatongerwo Vosvora Mashoko aVaMugabe eKuti Vachaenda paMudyandigere Zvakarongeka


Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe

Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti hapana chitsva pamashoko emutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ekuti kana vakazofunga kusiya chigaro vanoenda zvakarongeka.

VaMugabe vanonzi vakaudza musangano wavakaita nevakarwa hondo yerusununguko mukupera kwesvondo kuti kana nguva yekuti vabve pachigaro yasvika vanoenda negwara kwaro.

VaMugabe vanonzi vakatiwo kana vachi kanganisa vanofanirwa kuudzwa kuti vakanganisa, vanoenda, kwete zvekuti vanhu vavaendere kudzin’anga vachida kutora chigaro.

Asi Vajoy Mabenge, avo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica vanoti mashoko aVaMugabe aya haafanirwi kuonekwa seekubvuma kuti vanogona kusiya chigaro kana vakanzi vakanganisa apa.

“Masoko iwayo vanowanza kuataura vachiita sekuti vanoruma uku vachifuridzira, nekuti rangarirai kuti pavari kutaura mashoko iwaya, vari kuataura panguva iyo, eeh, vazhinji kubva kumatunhu akasiyanasiyana emusangano wavo vari kutonzi vari kuti ivo vanoda kuti VaMugabe vaenderere mberi vari ivo mutungamiriri webato ravo uyezve vari mutungamiri wenyika, uyezve kana kwozoitwa sarudzo muna 2018 vave ndivo mumiriri webato ravo,” VaMabhenge vanodaro.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti matunhu akaita seMashonaland East, Mashonaland West neMatabeleland South akatozivisa kuti vari kutsigira VaMugabe kuti varambe vari panyanga.

VaMugabe vanonzi vakatiwo vanofara kuti vakakwanisa kukunda vekumawirira vakaita seAmerica neBritain avo vanoti vaida kushandura hurumende muZimbabwe.

Vanonzi vakatiwo vano shushikana nekurwira chigaro chavo kuri kuitika mubato ravo pakati pezvikwata zve G40 ne Lacoste, vakakurudzirawo kubatana kwenhengo dzebato ravo.

VaMugabe vanonzi vakatendawo kuti upfumi hwenyika hwagwadama, asi hapana matanho ekuhugadzirisa avanonzi vakataura nezvawo.

Hurukuro naVaJoy Mabenge
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG