Accessibility links

Breaking News

VaMudede Vanoramba Kudura Makore avo kuKomiti yezveKudzivirirwa kweNyika


Registrar-General VaTobaiwa Mudede, vechipiri kubva kuruboshwe

Mabharani mukuru wenyika, kana kuti Registrar General, VaTobaiwa Mudede nhasi varamba kutaura makore avo ekuberekwa kukomiti yeparamende inoona nezvekudzivirirwa kwenyika uye vati vanogona basa ravo zvakanyanya zvekuti vakatodomwa kuve sachigaro wemaRegistrar-General ose emuAfrica.

VaMudede vazivisisawo kuti munyika mune vanhu vane zvitupa 10.3 million uye vanhu 1.7 million vakafa kubva pakaitwa sarudzo dzemuna 2013 kusvika pari zvino.

VaMudede avo vange vakokwa nekomiti iyi kuzopa humbowo maererano nebasa ravo rekupa vanhu magwaro ekuzvarwa, zvitupa pamwe nezvimwe, vati makore avo haaneyi nebasa ravo.

Vati vanogona basa ravo zvakanyanya zvekuti sangano reAfrican Union pamwe neUnited Nations akatotuma nyanzvi dzavo kuti dzizodzidza kubva kubazi ravo.

VaMudede vaudza nhengo dzekomiti iyi kuti kana dzichida kunzwa makore avo ekuzvarwa dzinofanira kubvunzawo vamwe vashandi vese vari muhurumende.

Vatiwo pane vechidiki vakawanda muhurumende vari kutadza kuita basa ravo uye makore haaneyi nekugona kunoita munhu basa.

Nhengo dzekomiti iyi dzange dzichida kuziva kuti sezvo VaMudede vakura havasi kuremerwa nebasa here.

Zvichakadai VaMudede vaudza komiti iyi kuti munyika mune vanhu 10.4 million vanokodzera kuvhota uye 5.4 million vanhukadzi. Vatiwo pane vamwe vanhu vakawanda vasina zvitupa.

Vatiwo pane vanhu 1.7 million vakashaya kubva pakaitwa sarudzo dza2013 kusvika pari zvino.

Nhengo dzekomiti iyi dzaudza VaMudede kuti hadzisi kufara nemashandiro anoita mahofisi avo vachiti vanhu munyika yese vano netseka kutora magwaro ekuzvarwa, zvitupa nemapasipoti.

Mumiriri weMusikavanhu muNational Assembly, VaProper Mutseyami vanogarotaura zvedambudziko iri asi hapana chiri kuitwa naVaMudede.

Asi VaMudede vati vanoziva matambudziko anosangano nevanhu zvikuru sei kunzvimbo dziri kumiganhu nedzimwe nyika uye vari kuita zvese zvavanogona kuti vaagadzirise.

Panyaya yekuti pane vanhu vakawanda vakabatwa-batwa paGukurahundi vari kunetseka kutora magwaro, VaMudede vati vanonyoresa vanhu munzvimbo idzi uye havana kuona vanhu vane dambudziko iri.

Vati bazi ravo rine mahofisi munzvimbo dzese idzi uye vanhu vakasununguka kunonyoresa kuti vapihwe magwaro avanoda.

Vatiwo vanhu vanofanirawo kuziva kuti vanotevedza mutemo kana vachipa vanhu magwaro uye dzimwe nguva vanhu vanotobvunzurudzwa vasati vapihwa magwaro aya.

Vatiwo pane vanhu vekune dzimwe nyika vanoda kuwana magwaro emuno zviri kunze kwemutemo, uye bazi ravo rinoita basa nehungwaru kudzivirira izvi.

VaMudede vatiwo nhengo dzekomiti iyi dzakasununguka kuzowona michina yavanoshandisa pakupa vanhu magwaro.

Sachigaro vekomiti iyi, VaTshinga Dube, vaudza VaMudede kuti vanhu vakawanda munyika vari kunetseka kuwana magwaro uye vanofanira kugadzirisa nyaya iyi.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG