Zviuru zvevanhu zvaungana pamusha pevaive mutungamiri webato rinopikisa, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, mubhuku rekwaHumanikwa kuBuhera, zvichirangarira mabasa avakaita muhupenyu hwavo.
Vanonzi vaungana ava vanosanganisira vemhuri yaVaTsvangirai, vatsigiri vebato reMDC, mumiriri weEuropean Union muZimbabwe, vamwe vemasangano akazvimira, pamwe nevaive munyori mukuru wesangano revashandi reZCTU, VaWellington Chibebe.
Vachitaura pachiitiko ichi, mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa vanonzi varumbidza mabasa akaitwa nemushakabvu, vachiti VaTsvangirai ndiwo wakave musimboti wekuumbwa kwebato rinopikisa iri.
VaChamisa vanonzi vataurawo pamusoro penhaurirano dzekugadzirisa zvinhu munyika pakati pavo nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vachiti kana ivo vasina kupinda munhaurirano zvimwe zvese zviri kuitwa mahumbwe.
“Dialogue is the only answer. But takati Mnangagwa ukaramba une musikanzwa wokusada dialogue toenda kunokutorera bumbiro remutemo tochiratidza kuti masimba tinawo, ndawa mhomho tisu tinayo,” VaChamisa vaudza vanhu.
Mutauriri weMDC VaJacob Mafume vanotiwo vafadzwa nehuwandu hwabuda uye rubatsiro rwavawana kubva kumapurisa, ayo anga achichengetedza runyararo.
Hurumende inonzi yakabatsirawo nekugadzira mugwagwa unoenda pamusha paVaTsvangirai pamwe nekutenga chimwe chikafu chinonzi chadyiwa pagungano iri.
Facebook Forum