Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaRamaphosa Vanoita Musangano weKusimbisa Hukama hweNyika Dzavo


Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa vanga vachishanya muZimbabwe
Mutungamiri weSouth Africa VaCyril Ramaphosa vanga vachishanya muZimbabwe

Mutangamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nemutungamiriri wenyika yeSouth Africa, vari zvakare sachigaro weSADC, VaCyril Ramaphosa, vakaita musangano muHarare neMugovera manheru, vakaita chisungo chekusimbisa hukama pamwe nekudyidzana pakati penyika dzavo munyaya dzese kusanganisira dzehupfumi.

Vatungamiriri vaviri ava, avo vachangobva kutora nyanga munyika dzavo, vakati vakataura nyaya dzakasiyana dzinosanganisira matambudziko anosangana nenyika dzavo zvikuru sei munyaya dzehupfumi.

VaRamaphosa vakaudza vatori venhau kuti vakaita chitsidzo chekushanda pamwe mukgadzirisa matambudzko aya.

VaMnangagwa vakati vakafara chose kusangana naVaRamaphosa, uye kuti vakataurirana matambadziko avanosangana nawo uye kuti vangaagadzirisa sei sevatungamiriri vatsva venyika mbiri idzi.

Pavakabvunzwa kuti pane zvingadzidzwe neSouth Africa here kubva kuZimbabwe zvikuru sei panyaya dzekutora minda, VaRamaphosa vakati nyika yavo ine zvekudzidza zvakawanda kubva kuZimbabwe nedzimwe nyika dzemuSADC apo iri kuronga kugadzirisa nyaya dzeivhu.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vanoti kunyange musangano wevatungamiriri vaviri ava wange wakakosha zvikuru sezvo dziri nyika dzakavakidzana, vanoona sekuti VaRamaphosa vaida kuziva zvakanyanya kuti Zimbabwe yakazvifambisa sei panyaya yekugova ivhu.

Vanotiwo musangano wevaviri ava wakakosha nekuti Zimbabwe inotengeserana zvinhu pamwe nekuita bhizimisi neSouth Africa kudarika dzimwe nyika dzese.

VaManyanya vanoti nekuda kwaizvozvo zvakakosha kuti vatungamiri vaviri ava vatauririrane kuti vasimbaradze hupfumi hwenyika mbiri idzi. Vanotiwo makambani emuSouth Africa anofanira kutora mukana wehutungamiriri hutsva kuti asime mari yawo muZimbabwe.

Asi vanotiwo VaRamaphosa naVaMnangagwa vatungamiriri vakafanana nekuti vese vakapinda mukutungamira nyika mushure mekunge vaive nezvigaro izvi vadzingwa basa.

VaMnangagwa vakadomwa kuti vatungamire nyika mushure mekunge VaRobert Mugabe vasiya basa musi wa 21 Mbudzi gore rapfuura uye VaRamaphosa vakatorawo chigaro chekutungamira South Africa mushure mekunge VaJacob Zuma vamanikidzwa kusiya basa musi 14 Kukadzi gore rino.

Zvichakadai VaMnangagwa vakatiwo Zimbabwe ichaita sarudzo dzakachena muna Chikunguru gore rino. Vakati svondo rapfuura chairo vaida kuita musangano nemapato anopikisa kuti vataure nezvenyaya iyi asi vakazorega kuita musangano uyu mushure mekuona kuti mapato anopikisa munyika akawanda kudarika avainge vakoka.

VaMnangagwa vanoti vaifunga kuti munyika mune mapato masere anopikisa asi vakazoudzwa kuti pave namapato anopikisa zana nemasere uye vakamisa musangano uyu kuti vakwanise kukoka masangano ese aya.

VaTjenesani Ntungakwa veRevolutionary Reaserch Institute of Zimbabwe vanoti kuwanda kwemapato anopikisa hakuna basa uye sarudzo dzinofanira kungoitwa akajeka pasina mhirizhonga.

VaMnangagwa vari kuvimbisa nyika nepasi rese kuti vachaita sarudzo dzakachena. Vanotiwo masangano akasiyana siyana pamwe nenyika dzese vakasununguka kuzoongorora sarudzo idzi.

Asi pane kutsutsumwa kubva kumapato anopikisa pamwe nemasangano anaoshanda akazvimirira kuti mutemo wesarudzo pamwe nekutapwa kwenhau haisati yavandudzwa izvo zvinoita kuti sarudzo dzisafambe zvakanaka.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG