Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vosimuka Vakananga kuNamibia


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa (pakati) nevatevedzeri vavo VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa (pakati) nevatevedzeri vavo VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kusimuka neMuvhuro vakananga kuNamibia mukuenderera mberi nerwendo rwavo rwekusangana nevatungamiri venyika dzemuchamhembe kweAfrica vachiudza mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kubva patora hurumende yavo masimba kubva kune vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kusangana nemutungamiri wenyika yeNamibia, VaHage Geingob.

Rwendo urwu rwunotevera kushanya kwavakaita svondo rapera kuAngola uko vakasanganawo nemutungamiri wenyika iyi uye vari sachigaro veSADC Organ on Politics, Defense and Security, VaJoao Lourenco.

VaMnangagwa vari kutarisirwawo kushanyira mutungamiri weZambia VaEdgar Lungu neChishanu Svondo rino, vachizoendawo kuBotswana kunosangana nemutungamiri wenyika iyi VaSeretse Khama Ian Khama.

Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba vaudza bepanhau reHerald kuti chekutanga parwendo urwu kushanyira vatungamiri ava, asi chimwe chechipiri ndechekuvazivisa nezvekugadzikana kwezvinhu muZimbabwe pamwe negadziriro dzesarudzo dzegore rino, idzo dzinofanirwa kuve dzakasununguka, dzakachena uye dzichitambirika.

VaMnangagwa vakaparura rwendo rwavo rwekusangana nevatungamiri vekuchmhembe kweAfrica kuburikidza nekushanyira mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vanove sachigaro weSADC pari zvino.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG