Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu PF Vofadzwa neKugadzwa kwaVaMnangagwa


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachitaura nemukuru wevatongi vematare Chief Justice Luke Malaba

Vamwe vatsigiri vebato reZanu-PF vanogara kuTynawald North, musha uri pedyo neMt. Hampden muHarare vanoti vari kufara zvikuru nekutoreswa mhiko kwakaitwa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neSvondo kuti vatungamire nyika kwemakore mashanu anotevera.

Muhurukuro yakaitwa nevagari vemunzvimbo iyi neStudio 7, vakawanda vakaratidza kufara kukuru nenyaya yekugadzwa zviri pamutemo kwaVaMnangagwa.

Amai Grace Mukonori mutsigiri webato iri vakaita zvokusvetuka vachitamba nemufaro vachipembedza chiitiko ichi. Vanoti vane chokwadi chokuti vechidiki vave kuzowana mabasa kubudikidza nehutungamiri hwaVaMnangagwa.

Amai Mukonori vakaendera mberi vachiti vanhu ngavagamuchire zviripo nekuti Vatungamiri vanobva kuna Mwari.

Amai Auxillia Mudhonga vanobva kuChirumhanzu vanoti vakawanda vainge vari kunhandare yeNational Sports Stadium vakaratidza kufara zvikuru naVaMnangagwa .

Baba Abel Mukonor, murwiri wehondo yerusununguko vanotiwo i kugadzwa kwakaitwa VaMnangagwa kwakapedza gakava raivapo mushure mokunge mutungamiri weMDC Alliance vakwira kumatare vachiti sarudzo dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Vamwe vanhu vainge vachiimba vachiridza mumhanzi mudzimba dzavo kufarira chiitiko.

Asi kune vamwewo vange vachiratidza kusuwa kwakanyanyisa sezvo vachitsigira VaChamisa avo vakakwikwidza vakamirira MDC Alliance.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG