Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Vachazivisa Zuva reSarudzo Mwedzi uno Usati Wapera


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri weZanu PF VaEmmerson Mnangagwa vaudza mhomho yevatsigiri vebato ravo vaungana munhandare yeSakubva maMutare kuti vachatara zuva richaitwa sarudzo mumasvondo maviri ari kutevera kana kuti mukupera kwemwedzi uno.

VaMnangagwa vati kubva musi uyu vachange vozoenda kunokambena, asi zvanhasi vange vauya kuzopa zita idzva pabharaki remauto re3 Brigade riri maMutare, iro rave kunzi Herbert Wilshire Chitepo Brigade.

VaMnangagwa vanoti vachazouya zvakare kwaMutare mumasvondo mashoma anotevera kuzokambena mushure mekunge vatara zuva richazoitwa sarudzo.

Vanoti kunze kwekuuya kuchinja zita rebharaki remauto, vauyawo kuzovhura zviri pamutemo dhamhu reMarowanyati riri kudunhu reBuhera.

VaMnangagwa vanoti vanofara nekuvhurira mikova kwavari kuita vekunze izvo zvopa kuti munyika muwane vemabhizinesi vari kuuya, izvo zvasiyana nakare apo nyika yange isisina shamwari dzakawanda dzekunze.

“Ndinoda kukuudzai kuti mukupera kwemwedzi uno tichange tichiita proclamation yekuti munyika muno umu muchange muine ma-elections. Ipapo ndichauya kunouku zvine mutsindo toita campaign zvochinakidza, asi kubva kuna November last year tino kutendai nerunyararo rwakaitika panguva iyoyo apo ndakaita border jumper, nyika yanga yadambuka-dambuka ine makomba-makomba. Vange voda hupenyu hwangu asi nokuda kwaMwari ndiri pano,” vanodaro VaMnangagwa.

Vanoti vanhu vanosungirwa kuramba vakabatana pasina kuita mhirizhonga uye kubatana sezvavakaita pakabva VaRobert Mugabe pachigaro vachiramba vakaita runyararo kudzamara sarudzo dzapera uye nariini, sevana vamwechete veZimbabwe.

“Manje tinoda kuti tiite zvido zvevanhu tichitevedza, hurumende inofanirwa kugadzirisa zvido izvozvo. Ndinokutendai nekuungana kwamaita nenguva diki kudai. Handaifungira kudaro, asi patichaita proclamation ndichauya kuno zvakare umwe neumwe wenyu anofanirwa kunge achizviziva ndazotaura kuti riini.”

Mutungamiriri weZanu PF ava vanoti kushandura zita rekamba yemagamba ye3 Brigade Barracks vachiipa rimwe zita kucherechedza rimwe remagamba akarwira rusununguko rweZimbabwe, uye kuvapa ruremekedzo rwakakwana kuitira vana vemangwana kuti vazoziva nhoroondo yenyika.

Vanoti izvi zvinotevera kupiwa zita kwedzimwe nzvimbo dzinosanganisira KGVI iyo yave kunzi Josiah Magama Tongogara, uye Zimbabwe Defence College yave kunzi Jason Ziyapapa Moyo.

“Tazouya kuno zvakare kuzoremekedza vamwe vedu, 3 Brigade yamunoziva iyi iri papa yava kunzi Chitepo, Herbert Chitepo Barracks, kuti chizvarwa nechizvarwa vachayeuka kuti kune gamba rakatanga hondo rainzi Herbert Chitepo. Hongu takatora makore nemakore tisina kuzviita, asi tazozviita nhasi. Takazviita zvakare kune nemamwe. KGVl kuHarare yave kunzi Josiah Magama Tongogara.”

VaMnangagwa vanoti vashandi vehurumende havafanirwi kuramwa mabasa nhando sezvakaitwa navanamukoti apa hurukuro dzichiri kufambira mberi dzekuwedzerwa mari. Vanoti kuita kwemanesi kwakapa kuti vakawanda vafe izvo zvaisafanirwa kuitika.

Vatsigiri veZanu PF vanosanganisira VaIrvin Mbengo vange vari pamusanganu uyu vanoti vafara nemashoko emutungamiriri wavo sezvo achiyananisa nyika yose.

“Well, l support them very well masoko avo mutungamiriri wenyika ekukurudzira kudanana nekudzivirira mhirizhonga, uye kudyidzana nedzimwe nyika, international community, kuti tibudirire tose senyika.”

Mumwe mutsigiri weZanu PF Muzvare Rebbeca Chiutsi uyo ange ari muSakubva nhasi anoti afara nemashoko aVaMnangagwa sezvo achipa hwaro hwamangwana uye netariro kuvazhinji kunyanya mashoko ekubatana avataura.

“Vataura nyaya yekutisimudzira uye pane chiedza pane remangwana saka tinofara nemashoko avo anopa vimbiso yatakatarisira.”

Mumwe wevatevedzeri vaVaMnangagwa Rtd General Constantino Chiwenga vachitaurawo nhasi vakurudzira ruzhinji kuti rwuvhotere VaMnangagwa neZanu PF, sezvo vaine muono wakanaka wenyika kupfuura mamwe mapato ezvematongerwo enyika.

Sachigaro weZanu PF mudunhu reManicaland VaMike Madiro vachivhura musangano uyu vaudza veruzhinji, kunyanya nhengo dzeZanu PF dzine nyunyuto nemabatirwo akaitwa sarudzo dzema primary, kuti nhasi range risiri zuva rezvichemo izvo zvisina kunyanya kufadza vanenhunha dzavo.

VaMnangagwa vauya kwaMutare nemudzimai wavo Amai Auxillia, vakuru vekubato ravo vanosanganisira murongi wemisangano VaEngelbert Rugeje, VaVictor Matemadanda, VaChris Mushowe, VaDavid Musabayana, Amai Oppah Muchinguri-Kashiri, VaSupa Mandiwanzira, Amai Edna Madzongwe, nevamwewo.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG