Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Zimbabwe Yakazvipira kuita Sarudzo Dzakachena


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vati Zimbabwe yakazvipira kuita sarudzo dzakachena mwedzi unouya uye vari kuuya munyika kuzoongorora sarudzo idzi vanofanira kunzwisisa mutemo nemafambisirwo esarudzo dzemuno kuti vakwanise kuita basa ravo nemazvo.

Vachitaura pakuvigwa kwegamba rehondo, VaJohn Chimbandi, VaMnangagwa vaudza mhomho yevanhu vaungana panzvimbo inovigwa magamba yeHeroes Acre muHarare kuti vanoda sarudzo dzine runyararo uye dziri pachena.

Vati vanotambira vese vanoda kuzoongorora sarudzo idzi asi vati vanofanira kunzwisisa mutemo wesarudzo nemafambisirwe adzo vachiti hurumende yavo ichatevedza mutemo wesarudzo pamwe nebumbiro remutemo wenyika kuita sarudzo idzi.

Vati sarudzo dzegore rino dzinofanira kuitwa pachitevedzwa zvese zvinodiwa pamutemo uye veruzhinji vachiwana mukana wekusarudza vatungamiriri vavanoda.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana nemutungamiriri wenyika panyaya dzevanoongorora sarudzo vekunze.

Vanoongororawo zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaVivid Gwede, vaudza Studio 7 kuti zviri kutaurwa naVaMnangagwa zvakanaka chose asi hurumende yavo inofanirawo kuita sarudzo ichiteedza zvayakawirirana neSADC ne African Union uye nezvinotarisirwa pasi rose.

VaGwede vati nyika dzese dzepasi rese dzine mitemo yesarudzo uye zviri pachena kuti mutemo wesarudzo muZimbabwe unoda kugadziriswa ndosaka paine kuchema chema kubva kumapato anopikisa, masangano anoshanda akazvimirira nevaongorori vesarudzo.

Murairidzi wepaUnversity of Zimbabwe Prof Charity Manyeruke vati zvakakosha kuti vanoongorora sarudzo vataure nevanovhotesa navese vane chekuita nesarudzo vasati vaburitsa magwaro avo.

Vati Zimbabwe Electoral Commission handiyo yega ine chekuita nesarudzo munyika.

VaMnangagwa vati vanhu vemuZimbabwe vanofanira kuremekedza vanhu vakaita samushakabvu VaChimbandi avo vakaenda kuhondo kuti nyika ino iwane rusununguko.

VaChimbandi vakaberekwa kuWedza muna 1951 vakaenda kuhondo muna 1972.

Vakapinda mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muna 1980 kusvikira gore rapfuura.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG