Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vari kutarisirwa nhasi kupa huchapupu kukomiti yezvemigodhi nemhando dzemoto pamusoro pemari inosvika mabiriyoni gumi nemashanu emadhora, iyo inonzi yakabva mukutengeswa kwemangoda, yavakati ivo mbune yakatsakatika.
Sachigaro wekomiti yezvemigodhi, uye vari mumiriri weNorton mudare reparamende, VaTemba Mliswa, vaudza Studio 7 kuti VaMugabe vari kuuya kuparamende kunomira pamberi pekomiti yavo, kwete kuti komiti yavo ndiyo iri kuenda kumba kwaVaMugabe kuBlue Roof sezvanga zvichibuda mumadandemutande nemamwe mapepanhau.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano rinookurudzira kuchengetedzwa kwezvicherwa reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu vanoti chingava chinhu chakanaka kwazvo kana VaMugabe vakasimuka mbune kunomira pamberi pekomiti iyi, sezvo vari ivo vakaparura nyaya iyi.
“Kuuya kwavo, kana vabvuma kuuya, haisiri nyaya yekuda kuburitsa pachena huwori hwakaitika panyaya ye $15 billion, asi kuti vanenge vari kuuya vachida kunyadzisa kana kuti kufumura vanhu vakavatorera masimba, uye vachiziva kwazvo zvavanokwanisa kunge vachiitawo vanhu ivavo paku disappear kwe 15 billion yakabiwa kwaMarange,” VaMaguwu vanodaro.
Muna 2016, vaMugabe vakashamisa nyika pavakazivisa kuti mari inoita mabhiriyoni gumi nemashanu yakawanikwa nenyika kubva mukutengeswa kwemangoda ekwaChiadzwa yakatsakatika.
Facebook Forum