Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanokundikana Zvakare Kumira Pamberi peKomiti yezveMigodhi


Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.
Vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Komiti yeparamende inoona nezvezvicherwa nemhando dzemoto nhasi yapa vaimbove mutungamiviri wenyika, VaRobert Mugabe, masvondo maviri kuti vamire pamberi payo vachipa humbowo pamusoro pemari yemangoda ekwaMarange uye kana vakatadza kuita izvi vanogona kukandwa mutirongo nemhosva yekuzvidza paramende.

Komiti yeparamende iri kuda kuti VaMugabe vazopa humbowo pamusoro pekucherwa nekutengeswa kwaiitwa mangoda ekwaMarange zvichitevera mashoko avakataura muna 2016 ekuti nyika inogona kunge yakarasikirwa nemabhiriyoni gumi nemashanu emadhora kubva pakutengeswa kwemangoda ekwaMarange.

Komiti iyi, iyo yakabvunzurudza makambani nevamwe vaive nechekuita nezvekucherwa kwemangoda ekwaMarange, yakakoka VaMugabe svondo rapfuura kuti vazotaura zvese zvavanoziva panyaya yemangoda ekwaMarange asi havana kuenda kuparamende.

VaMugabe vakanyorerwa imwe tsamba yekuvakoka zvakare nhasi asi havana kuuya uye havana kupa chikonzero kuti sei vatadza kuuya.

Sachigaro wekomoti iyi, VaTemba Mliswa, vati mushure mekumira kwenguva yakareba komiti yavo yaita chisungo chekupa VaMugabe mukana wekupedzesera vasati vatora matanho.

VaMugabe vave kutaririsirwa kumira pamberi pekomiti iyi musi wa11 Chikumi.

VaMliswa vati VaMugabe vanogona kupinda mudambudziko guru nemutemo wenyika kana vakaramba vachizvidza paramende.

Vatiwo paramende inogona kugara sedare redzimhosva yovapa mutongo unonenderana nezvekuzvidza kwavari kuita dare.

Pasi pebumbiro remutemo wenyika pamwe nemutemo weparamende, paramende inobvidzwa kukoka ani nani zvake kuzopa humbowo kwairi uyewo inokwanisa kugara sedare redzimhosva nekuendesa vanhu kutirongo kana ichinge yavabata nemhosva.

VaMliswa vati komiti yavo inoda kunzwa kubva kunaVaMugabe kuti ikwanisa kunyora gwaro rayo raichatura kudare reNational Assembly.

Vatiwo, mutauriri wedare iri, VaJacob Mudenda, vanotarisirwa kupa mutongo wavo panyaya yevaimbove gurukota rezvezvicherwa, VaObert Mpofu, avo vakaramba kupahumbowo kukomiti iyi vachiti havaizoita izvi kana VaMliswa vakaramba vari sachigaro wayo.

VaMliswa vazivisawo kuti neChipiri chaicho komiti yavo ichatura gwaro rayo pamusoro pamuzvinabhizimisi, VaWicknell Chivhayo avo vakabhadharwa mamiroyoni emadhora neZESA asi vatakadza kuvaka gwenya remagetsi ezuva kuGwanda sekubvumirana kwavakaita nekambani iyi.

Muna 2005 paramende yakatongera kugara mutirongo imwe nhengo yayo, mushakabvu VaRoy Bennett veMDC mushure mekunge vabatwa nemhosva yekurova vaive gurukota raiwona nezvemutemo, VaPatrick Chinamasa, mudare iri.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG