Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoronga Kuendesa VaMugabe kuMatare eDzimhosva


Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora
Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora

Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, MDC-T, rinoti riri kuronga kuendesa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kumatare edzimhosva neChitatu richiti vakazivisa nezvemazuva ekutanga chirongwa chekunyoresa vavhoti zviri kunze kwemutemo.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti sekuziva kwavo boka rinotungamira sarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, harisati rapedza kugadzirira kunyoresa vanhu.

Asi bato iri rinoti VaMugabe vakatozivisa nyika kuti kunyoreswa kwevanhu kuchatanga nemusi weChina svondo rino unove musi wa14 Gunyana, kuchizopera musi wa15 Ndira gore rinouya.

VaMwonzora vanoti ZEC haisati yaunganidza michina inodiwa pakunyoresa vanhu, uye michina ichachengeterwa mashoko, kana kuti ma server.

Vanoti vane zvinyunyuto zvitanhatu zvinosanganisira nyaya yenzvimbo dzekunyoresera vanhu, nyaya yevanhu vane vabereki vakunze kana kuti aliens, avo inoti vari kubhadhariswa mari dzakawanda kuti vatore zvitupa, uye nyaya kuti vanhu vazhinji vachiri kutora zvitupa kuti vazokwanisa kunyoresa kuvhota.

Vamwe vachaendeswa kudare neMDC-T iboka reZEC, pamwe negurukota rezvemutemo VaEmmerson Mnangagwa.

Sachigaro veZEC, Amai Rita Makarau, vakazivisa kuti vachatanga chirongwa chekunyoresa vanhu mwedzi unouya, uye kubva neMuvhuro vakatanga kudzidzisa vanhu vachashandisa michina yema Biometric Voter Registration kits.

Studio7 haina kukwanisa kutaura neZEC, VaMnangagwa pamwe nemutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe mativi avo.

VaCharamba vanogara hazvo vakapika kuti havafe vakataura neStudio7.

Pari zvino kwakauya michina mazana mana pamichina zviuru zvitatu yakatengwa kubva kunyika yeChina.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG