Accessibility links

Breaking News

MDC T Yoronga Musangano Mukuru weKupeta Gore kuZimbabwe Grounds


VaMorgan Tsvangirai vachitaura nevatsigiri vebato ravo
VaMorgan Tsvangirai vachitaura nevatsigiri vebato ravo

Mutungamiri webato guru rinopikisa reMDC T, VaMorgan Tsvangirai mangwana vari kutarisirwa kutungamira nhengo dzavo pamusangano mukuru wekuvhara gore uchaitirwa munhandare ine nhoroondo yekurwira rusununguko rwevatema yeZimbabwe Grounds iri mumusha weHighfield.

Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti chinangwa chikuru chemusangano uyu ndechekutarisa matambudziko akatarisana nenyika pari zvino, pasvika hurongwa hwemubatanidzwa wemapato anopikisa pakatarisanwa nesarudzo dza2018, pamwe nekutendawo vana veZimbabwe nekushinga kunyange vari mukati mematambudziko makukutu.

VaGutu vanoti zvimwe zvicha kurukurwawo ndezvakaitwa nebato ravo mukati megore rino, zvinosanganisira kuratidzira mumatunhu akasiyana-siyana enyika.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG