Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoramba Mashoko Anoti Muzvare Khupe Vari Kuda Kubvisa VaTsvangirai Vachishanda naAmai Mujuru


Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rashora mashoko ari kubuda mumapepanhau nemadendemutande ekuti dzimwe nhengo dzebato iri dziri kushanda zvakaomarara mukuvhiringidza hutungamiri hwaVaMorgan Tsvangirai.

Mashoko aburitswa nebepanhau reDaily News anoti mumwe wevatewedzeri waVaTsvangirai, Muzvare Thokozani Khupe, vari kushanda nevakafanobata chigaro chebato reNational People’s Party, Amai Joice Mujuru mukuedza kuvharira VaTsvangirai kuti vasatungamira mubatanidzwa wemapato anopikisa uchakwikwidzana neZanu PF musarudzo dza 2018.

Bepanhau iri rinowedzera richiti kune dzimwe nhengo dzeparamende muMDC-T dziri kuronga kukurudzira vanhu vemumatunhu adzo kuti vadzivhotere asi vasingavhoteri VaTsvangirai.

Asi mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti mashoko aya ari kubva kuvavengi vavo pamwe nevasori vari mubato reZanu PF, iro vanoti riri kutonetsekawo nemapoka ari kuritsemura nepakati.

VaGutu vanoti Muzvare Khupe vari kushanda kwete naAmai Mujuru chete, asi kuti nemadzimai ari mumapato ose anopikisa pasi pemubatanidzwa wemadzimai weWomen Electoral Convergence (WEC), uyo uri kukurudzira madzimai kuti agozovhota musarudzo dzegore rinouya.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG