Accessibility links

Makakatanwa eHutungamiri muMDC-T Otyirwa Kuti Angangotsemura Bato nePakati

  • Jonga Kandemiiri

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu

Bato reMDC-T rinonzi nevamwe ratarisana nematambudziko seakanga ari muZanu PF, ezvimapoka, ayo anonzi anogona kuita kuti bato rinopikisa iri riparare zvachose.

Vari kuona zviri kuitika muMDC-T vanoti kusamira zvakanaka kwehutano hwemutungamiri webato iri, VaMorgan Tsvangirai kwavhurira mhepo dzakaipa dzinogona kukanganisa gadziriro yebato iri musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.

Zvinonzi vatevedzeri vatatu vaVaTsvangirai, vanoti Muzvare Thokozani Khupe, VaElias Mudzuri, pamwe naVaNelson Chamisa, vatove nevanhu vari kuvatsigira kuti vatore chigaro ichi kana VaTsvangirai vakazofunga zvekusiya basa.

Izvi zvinonzi zvakonzera kuti mubato iri muve nezvimapoka zvitatu zviri kudhonzera kwakasiyana.

Asi mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti manyepo kuti mubato ravo mune zvimapoka zvanyuka zvinogona kukanganisa gadziriro dzesarudzo, vachiti vanhu vari kukanda panyepo aya vachishandisa madandemutande.

VaGutu vanoti vatevedzeri vemutungamiri webato ravo vakabatana chose, uye vari kushanda pamwechete.

Vanongorora zvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vanoti vanoseka chose mashoko aVaGutu aya, sezvo zvisingadi mwana ari kuita zvidzidzo zvechishanu (Grade 5) kuziva kuti muMDC-T mune matambudziko.

Kurwisana kwaive muZanu PF kwekuda kutsiva vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe kwakazopomhodzwa nemauto ayo akazotorera VaMugabe masimba muna Mbudzi gore rapera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG