Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inopa Chikafu cheKisimusi kuMhuri dzeVakashungurudzwa muneZvematongerwo eNyika


Bato reMDC-T rakapa chikafu kumhuri dzine hama dzakashungurudzwa mune zvematongerwo enyika
Bato reMDC-T rakapa chikafu kumhuri dzine hama dzakashungurudzwa mune zvematongerwo enyika

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai neMuvhuro rakapa hama dzevanhu vakavhiringwa nemhirizhonga, kana kusungirwa zvematongerwo enyika, chikafu chekudya pazororo reKisimusi.

Vachitaura pagungano iri range rakarongwa nevechidiki vebato iri pamuzinda webato iri, mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa vakati bato ravo richaramba richirangarira vese vakarasikirwa nevadikani vavo uyewo vanotarisira kuti mhuri dzese idzi dzichawana rubatsiro kana bato ravo rava muhurumende.

VaChamisa vakati bato ravo rinoda kuti vanhu vagare murunyararo uye havasi kuzotsiva kupondwa kana kukuvadzwa kwakaitwa nhengo dzavo kana vachinge vave kutonga.

Mumwe wevechidiki mubato iri, avo vakabatsirana nevamwe vavo kuunganidza mari yekuti chikafu chakapihwa vanhu chitengwe, VaObey Sithole, vakati kunyange hazvo chikafu change chisina kuwanda zvakanyanya, chichabatsira panguva yeKisimusi.

VaSithole vakatiwo pane mamwe masangano anoshanda akazvimirira, pamwe nevakuru vakuru mubato iri vakabatsirawo kuunganidza zvinhu zvakapihwa vanhu izvi.

Mhuri makumi mashanu kubva kumatunhu ose munyika dzakapihwa chikafu pasi pechirongwa ichi, icho chinodaidzwa kuti ‘Christmas Goodies’.

Baba veimwe nhengo yeMDC-T yechidiki iri mutirongo, Yvonne Musarurwa, VaMalvin Musarurwa vakaudza Studio 7 kuti vakafara chose nedanho rakatorwa nevamwe vaYvonne muMDC-T.

Vakati vanogara vachinoona mwanasikana wavo nguva nenguva uye vachanomutambidza chikafu chaakapihwa nevamwe vake.

Vana vaVaTonderai Ndira, avo vakapondwa muna 2008, vakapindawo muchiitiko ichi uye vakafara chose nekupihwawo chikafu nezvimwe zvekuti vabatsiririkane paKisimusi.

Linet Ndira akatenda chose nezviri kuitwa nevechidki mubato rababa vake reMDC–T.

Chirongwa cheChristmas Goodies chakatangwa nevechidiki muMDC-T makore matanhatu apfuura, uye chinangwa chacho ndechekurangarira mhuri dzakasiyiwa nenhego dzebato iri dzakafa kana dzakakandwa mutirongo pamusoro pezvematongerwo enyika.

Bato iri rinoti rine vanhu vanosvika zviuru zvishanu vafa mumhirizhonga yezvematongerwo enyika kusvika pari zvino, uye vanhu zviuru makumi matanhatu nezvitanhatu vakakuvara mumhirizhonga yezvematongerwo enyika kubva pakaumbwa bato iri muna 1999.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG