Accessibility links

Breaking News

Vakashungurudzwa muMDC neZanu PF Voronga Kunamatira VaTsvangirai


Mutungamiri weMDC VaMorgan Tsvangirai

Sangano reMDC-T rinomirira nhengo dzakashungurudzwa nehurumende yeZanu PF, reMDC Veterans Activists Association, kana kuti MDC VAA, rinoti riri kukoka sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, nhengo dzebato reMDC-T dzose, vemakereke, pamwe nevemasangano akazvimirira, kuti vapinde mumunamato wekunamatira mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai.

VaTsvangirai havasi kunzwa zvakanaka zvichitevera kuwanikwa vaine chirwere chegomarara remudumbu.

Mumwe wevari kuronga munamato uyu, uye vari mutauriri weMDC VAA mudunhu reHarare, VaCollin Chanza Chavengwa, vanoti munamato uyu uri kuitirwa pamuzinda webato reMDC-T weHarvest House muHarare, uye uri kutanga nenguva dza 4 dzemasikati nemusi weChishanu.

VaChanza vanoti chavari kutarisira kuita kunamatira VaTsvangirai kuti vapore, uye kukunda kwebato ravo musarudzo dzegore rino.

Vanoti vachanamatirawo zvakare kuti munyika muve nekubatana, runyararo, uye kuremekedzana.

VaTsvangirai ndivo vakasarudzwa kumirira mubatanidzwa wemapato anopikisa, weMDC Alliance, musarudzo dzegore rino.

Hurukuro naVaCollin Chanza Chavengwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG