Bato reMDC-T rinotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe, rinoti harina kuda kukwikwidza musarudzo ye by-election ichaitwa mudunhu reGlen View South, sezvo kuchakwikwidza vaVincent Tsvangirai vakamirira MDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa.
Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti bato ravo raive nenhengo dzakawanda dzaida kukwikwidza musarudzo iyi, asi pavakanzwa kuti mwana vevaive mutungamiri weMDC, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai achakwikwidzawo musarudzo iyi, sehutungamiri vakasarudza kusakwikwidza senzira yekuremekedza nayo VaTsvangirai.
VaGutu vanoti vakatarisisa zvakadzama vakaona kuti mumhuri yekwaTsvangirai maitika zvinhu zvinosiririsa zvakawanda mukati memakore angakwana maviri adarika.
Vanoti kushaya kwevaive mumiriri weGlen View South, Amai Vimbai Tsvangirai-Vava mushure metsaona yemotokari, kushaya kwasekuru vavo VaTafadzwa Mhundwa mutsaona yemotokari, kushaya kwaMbuya Mhundwa mazuva mashoma adarika, nezvimwe zvakawanda, ndizvo zvakaita kuti vape mukana wekunyaradzwa kuna VaVincent Tsvangirai.
VaGutu vanoramba mashoko ekuti bato ravo rakabuda musarudzo iyi nekutya kunyadziswa radyiwa zvine mutsindo nemamwe mapato ari kukwikwidza akaita seZanu PF neMDC yaVaChamisa.
VaVincent Tsvangirai ndemumwe wevanhu vapfumbamwe vakabudirira kusvitsa mazita avo kudare reNomination Court neChishanu chapfuura vachizivisa kuti vaizokwikwidza musarudzo musarudzo iyi.
Vamwe vane mazita akatambirwa nedare iri ndaVaOffard Machuwe veZanu PF, VaKasema Maxwell vakazvimirira, Amai Ellah Zisani veUANC, VaPhillip Chamunorwa Ndengu vakazvimirira, VaParlington Pikele veUANC, Amai Rosemary Nyamayedenga veFrezim Congress, VaCrispen Rateiwa veZAPU, pamwe naVaEdwin Million vebato reLEAD.
Sarudzo yekuGlen View South inotarisirwa kuitwa musi wa 07 Gunyana, zuva rimwechete richaitwawo sarudzo yekutsvaga mumiriri weMangwe zvichitevera kushaya kwaVaObedingwa Mguni veZanu-PF muna Chikumi.
Facebook Forum