Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC-T Rinoti Rakagadzirira Kupinda muSarudzo dzeBy-Election


Mutungamiri weMDC-T VaDouglas Mwonzora

Bato reMDC-T rinoti rakagadzirira zvakakwana kupinda musarudzo dzema by-election zvichitevera kuziviswa kwakaitwa svondo rino kuti sarudzo idzi dzingangoitwa mukutanga kwegore rinouya.

Munyori anoona nezvesarudzo muMDC-T, VaGhandi Mudzingwa, vanoti bato ravo rinovimba kuti rinokunda sezvo riine nzira dzekugadzirisa nadzo matambudziko akatarisana nenyika pari zvino.

Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, yakazivisa kuti sarudzo idzi dzichaitwa musi wa23 Kubvumbi 2022, uye kune zvigaro makumi maviri nezvisere zveparamende pamwe nezvemakanzuru zana nezvishanu zvisina vamiriri.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwenhengo dzeMDC Alliance nebato reMDC-T pamwe nePanu PF, uye kushaya kwedzimwe nhengo.

Mutungamiri wenyika, vaEmmerson Mnangagwa vakaudzawo nhengo dzebato ravo reZanu PF kuChimanimani svondo rino kuti sarudzo idzi dzichaitwa muchikamu chekutanga kwegore rinouya.

Hurukuro naVaGandhi Mudzingwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG