Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeMDC-T yaVaChamisa Dzinobuda muSarudzo dzemaPrimary muChinhoyi


Nhengo dzeMDC-T dzichivhota musarudzo dzema primary kuMufakose

Dzimwe nhengo dzebato reMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa dzinoramba sarudzo dzemuChinhoyi dzichiti dzizere nechitsotsi.

VaEdward Kadewere naVaCuthbert Musiyadzanaka vabuda musarudzo idzo dzavanga vachitashurana naVaPeter Matarutse nhasi muChinhoyi.

Vaviri ava vanoti sarudzo dzanhasi, idzo dzanga dzichitarisira kubuda nenhengo ichamirira bato iri musarudzo dzegore rino, dzine chitsotsi chakawandisa.

VaKadewere vanoti nyaya yanetsa dzeyekuti sarudzo idzi dzainge dzakokerwa dzichinzi dziri kuitirwa kumawadhi ose gumi namashanu asi vanoti vashamisika zvave kunzi dzavakuitirwa pamahofisi ebato.

VaKadewere vanoti chimwe chakanganiswa ndechekuti sarudzo dzemawadhi asina kuitwa ndidzo dzingadai dzatanga kwete kutanga ne constituency.

MuChinhoyi makaitwa sarudzo mumawadhi mana chete pamawadhi gumi nemashanu.

Imwe nhengo isina kufarira zvaitika nhasi, VaMusiyadzanaka, vanoti sarudzo dzemawadhi ndidzo dzingadai dzatanga sezvo paine kugunun’una kwakawanda pamusoro pekupihwa vamiriri nehutungamiri hwebato.

Asi dzimwe nhengo dzinoti vabuda musarudzo vatya kukundwa zvine mutsindo sezvo VaMatarutse vaine rutsigiro rwenhengo dzakawanda munzvimbo yeChinhoyi.

VaCleopas Chenjiri mumwe wenhengo dzatsigira kuti sarudzo dziitwe kunyange vamwe vabuda mumakwikwi aya.

Mutauriri webato reMDC-T mudunhu reMashonaland West, VaBlessing Mandava, vanoti hapana chakaipa nekuitira sarudzo pamahofisi sezvo bato risina mari yekubhadhara mahoro epekuitira sarudzo mumawadhi ose.

VaMatarutse vazopinda musarudzo vari vega umo vari kutarisirwa kudomwa semumiriri weMDC-T muChinhoyi musarudzo dzegore rino. Vachakwiwidzana nenhengo yeZanu PF VaLast Sauramba nevamwe vemamwe mapato vasati vasarudza nhengo dzavo.

Sarudzo dzema primary ebato reMDC-T dziri kuitwa nyika yose uye mikono iri kurigwa kunzvimbo dzakawanda.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG