Accessibility links

Breaking News

MDC-T yaVaMwonzora neMDC-T yaMuzvare Khupe Dzopesana paNyaya yeMari Inopiwa Mapato ane Nhengo muParamende


VaDouglas Mwonzora naMuzvare Thokozani Khupe vave makara asionani mushure mekupatsanuka kweMDC-T.
VaDouglas Mwonzora naMuzvare Thokozani Khupe vave makara asionani mushure mekupatsanuka kweMDC-T.

Dzimwe nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti dzinoona pachiita makakatanwa pakati peMDC-T inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora neimwe inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe pamusoro pemari inopiwa mapato ane nhengo muparamende.

Izvi zvinotevera kuziviswa kwakaitwa nehurumende kuburikidza negwaro reGovernment Gazzette kuti mapato eMDC neZanu PF achawana mari iyi pasi pemutemo wePolitical Finance Act.

Gwaro iri, iro rakaburitswa nemusi weChipiri, rinoratidza kuti MDC ichawana mari inoita ZWL$ 149 850 000, 00, kuchitiwo Zanu PF ichiwana ZWL$350 150 000, 00.

Asi vamwe vane ruzivo nezvinoitika muMDC vanoti havaoni paine makakatanwa sezvo hurumende ichitumira mari iyi kukero inenge yakanyoreswa nebato, zvichireva kuti kuMDC inenge ichienda kumuzinda wayo weHarvest House sezvagara zvichiitika makore ose.

Asi chipangamazano chaMuzvare Khupe, VaNtando Ndlovu, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vakanzwa kuti bazi rezvemitemo rakazivisa nezvemari idzi, havana kuziviswa zviri pamutemo.

VaNdlovu vanoti tarisiro yavo ndeyekuti mari iyi igovanwe nepakati nemapato eMDC-T ose ari maviri, vachiti vanofunga kuti bato rinotungamirirwa naMuzvare Khupe ndiro chairo MDC-T iri pamutemo nekuti Vamwonzora vakazivisa kuti vakaumba bato idzva rinonzi MDC Alliance.

VaNdlovu vanoti hapana zvitsva pahurongwa hwekuti pamato anogonavana mari iyi sezvo izvi zvakamboitika muna 2014 apo yakagovanwa pakati paVaTendai Biti namushakabvu VaMorgan Tsvangirai.

Asi mutauriri weMDC-T inotungamirirwa naVaMwonzora, VaWitness Dube, vanoti bato ravo ndiro rinokodzera kupiwa mari iyi, haingokandwi sechibage chinokandirwa huku chichinzi yanhonga yanhonga.

VaDube vanoti panotove nehurongwa hunopiwa nahwo mari iyi, vachiti Muzvare Khupe vanotove nebato ravo idzva ravakaumba kuBulawayo svondo rapera, iro rakanga risipo pasarudzo dza 2018.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira VaRejoice Ngwenya, vanoti nemamiriro akaita gakava remapoka maviri eMDC-T aya, Muzvare Khupe ndivo vavanoona vachikodzera kupiwa mari iyi nekuti VaMwonzora vakabuda pachena kuti vave veMDC Alliance, bato rakatodzingiswa muparamende muparamende naivo VaMwonzora.

Nyaya ina VaWitness Dube
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG