Accessibility links

Breaking News

Bato reMDC-T yaMuzvare Khupe Rinokundikana Kuparura Manifesto muHarare


Muzvare Thokozani Khupe
Muzvare Thokozani Khupe

Bato reMDC inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe nhasi ratadza kuparura gwaro rayo rekutsvagisa rutsigiro musarudzo dzegore rino muHarare richiti nhengo nevatsigiri varo vadzivirirwa kana kutyisidzirwa kupinda mumusangano wekuita izvi nevechidiki vebato reMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa reVangaurd.

Musangano wekuparura chirongwa ichi kana kuti Manifesto, iyo ine zita rekuti Building an Economy to Support Economic Transformation kana kuti BEST, wange uchifanira kuitwa kuNelson Mandela Hall muHarare Showgrounds.

Asi pauya vanhu vashomanana ndivo vakwanisa kuungana, uye munyori mukuru webato iri, VaNixon Nyikadzino, vaudza vatori venhau kuti vave kuzoparura chirongwa ichi pazuva richaziviswa nekuda kwekuti vanhu vatadza kuuya sezvo vavhunditsirwa kana kurohwa.

Pasvika Studio 7 pange pachifanirwa kuitirwa musangano uyu, pange paine vanhu vashoma uye mutungamiriri webato iri, Muzvare Khupe nevamwe vatungamiriri vebato iri havana kutombosvika panzvimbo iyi.

VaNyikadzino vati bato ravo richaramba richiita mimwe misangano yekutsvaga rutsigiro mune mamwe matunhu.

Munyori wechikamu chemadzimai mubato iri Muzvare Lynette Mudewe vati zvinhu hazvina kufamba zvakanaka muHarare nekuti ndimo mune muzinda weVanguard.

Asi VaDenford Ngadziore, munyori mubazi revechidiki muMDC-T inotungamirirwa naVaNelson Chamisa mudunhu reHarare, varamba zvataurwa naVaNyikadzino vachiti bato ravo rakabatikana nekuongorora kuti nhengo dzaro dzaenda here kunoongorora mazita adzo mugwaro revavhoti pamwe nekuti vasina kunyoresa kuvhota vaende kunonyoresa.

VaNgadziore vaudza Studio 7 kuti Muzvare Khupe nevamwe vavo vanofanira kudzoka kumusha kuzoshanda nevamwe.

Muzvare Khupe naVaChamisa vakapokana kuti ndiani otungamira bato iri zvichitevera kushaya kwevaive mutungamiriri webato iri VaMorgan Tsvangirai mukutanga kwegore rino.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG