Bato reMDC T rinoti vechidiki varo mudunhu reHarare vachabata kubatana neMugovera kuti vatsvaire pamwe nekuchenesa nzvimbo yemabhizimusi yeAthlone iri mumusha weGreendale muHarare East, senzira yekuratidza kwavo kuti havana kungomirira kuita zvematongerwo enyika chete.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti nhengo dzebato ravo dzichaungana na 8 dzemangwanani, voswera vachiita mabasa akasiyanasiyana ekuchenesa nzvimbo, uye vakatozivisa mapurisa nezvechirongwa chavo ichi.
“Sezvo uchiziva Jonga kuti hatikumbire mvumo kumapurisa, tinongovazivisa chete. Saka nekuvaremekedza uye kuremekedza mutemo, takazivisa mapurisa emumusha uyu, saka vakatipa mvumo,” VaGutu vanodaro.
Vanoti mapurisa akavabvumidza kuungana kubva na 8 dzemangwanani idzodzo kusvika na 3 masikati.
Vanotiwo izvi zvichapa mukana kunhengo dzavo wekuti dzisangane nevagari vemumusha weHarare East panguva yavanenge vachiita basa ravo.