Accessibility links

Breaking News

Supreme Court Inoti VaChamisa Havasi Mutungamiri weMDC Ari paMutemo


Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa. Dare reSupreme Court rinoti havasi ivo mutungamiri ari pamutemo.
Mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa. Dare reSupreme Court rinoti havasi ivo mutungamiri ari pamutemo.

Dare repamusorosoro reSupreme Court neChipiri rapa mutongo wekuti VaNelson Chamisa havasi mutungamiri webato reMDC ari pamutemo.

Mutongo uyu wave kureva kuti Muzvare Thokozane Khupe ndivo vanofanirwa kutungamira bato reMDC iri zvichitevera kushaya kwevaimbove mutungamiri uye vakavamba bato iri, VaMorgan Tsvangirai, kusvika pasarudzwa mumwe mutungamiri.

Mutongo uyu waitwa zvichitevera kupikiswa kwakaitwa naVaChamisa mutongo wakanga wapiwa nedare reHigh Court gore rapera waiti Muzvare Khupe ndivo mutungamiri ari pamutemo.

Dare repamusorosoro iri ratiwo bato reMDC rinofanirwa kuita musangano waro wekongiresi mukati mwemwedzi mitatu wekusarudza mutungamiri ari pamutemo.

Gweta raMuzvare Khupe, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, vanoti vatambira nemufaro mutongo wedare uyu.

“Mutongo uyu tautambira zvakanaka nekuti zvataurwa neSupreme Court ndozvatagara tichitaura ku court ikoku. Isu tanga tichitaura tichiti VaKhupe ndivo chete vakaita president pakafa VaTsvangirai nekuti ndivo vakanga vari Vice President vaVaTsvangirai zvichienderana nebumbiro reMDC,” VaMadhuku vanodaro.

Vanoti zvave kureva kuti Muzvare Khupe vanofanirwa kuchitotanga kushandira kumuzinda webato weHarvest House vachironga gadziriro yekuita extra-ordinary congress yebato ravo mukati memwedzi mitatu sezvatarwa nedare.

Hurukuro naMuzvinafundo Lovemore Madhuku
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachipawo mashoko avo kuvatori venhau mushure memutongo uyu, vaive sachigaro vebato munguva yaVaTsvangirai, VaMorgen Komichi, vati vachatambira nekutevedzera mutongo uyu zvizere.

VaKomichi vatiwo mutongo uyu unoreva kuti vave kudzorera bato paraive riri muna 2018, zvichireva kuti vese kanga vaine zvigaro panguva iyi vanenge vadzokera pazvigaro zvavo, uye vese vakange vadzingwa mubato kana kumbomiswa kushanda, vadzoserwa mubato zvizere.

Asi mumwe wevatevedzeri vaVaChamisa, VaTendai Biti, vanoti mutongo uyu hauna zvauri kushandura mubato ravo reMDC-Alliance, sezvo VaChamisa vakasarudzwa nevanhu kukongiresi yakaitwa nebato ravo.

“Hatineyi nemutongo iwoyo uyu. Isu tiri vanhu veMDC Alliance inotungamirirwa naVaChamisa, inove party yakafomwa naVaTsvangirai vadaidza mapati six iyo MDC ichizoita yechi seven.

"MDC Alliance yakazozviita bato ndokuenda ku Congress muna May 2019 ndokusarudza vatungamiri vanoti VaChamisa as president, Amai Karenyi-Kore, Vice President; Professor Welshman Ncube, Vice President; Tendai Biti, Vice President; Tabitha Khumalo, chairperson, pamwe nevamwe vatungamiri,” VaBiti vanodaro.

Vanoti Muzvare Khupe vakapinda musarudzo ya2018 semutungamiri webato reMDC-T mushure mekuitawo kongiresi yebato ravo kwavasarudzwa semutungamiri webato pamwe nevamwe vabati vezvigaro.

Panyaya yemidziyo yebato, VaBiti vanoti ivo ndeve MDC Alliance, uye mutongo uyu unongoratidza chete kuti kune vamwe vavanga vachishanda navo nevamwe vari kuda kuona kuti bato ravo raparara, asi vanoti izvo hazvigoneki nekuti ndezvevanuu, uye ndezvaMwari.

VaBiti vanotiwo muzinda webato weMorgan Richard Tsvangirai House kana kuti Harvest House hausi webato reMDC nekudaro haukwanise kutorwa naMuzvare Khupe.

Hurukuro naVaTendai Biti
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG