Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veMDC Vanoratidzira muHarare


Vechidiki veMDCinotungamirirwa naVaNelson Chamisa vachiratidzira muHarare vachiti hupfumi hwenyika hwaparara.
Vechidiki veMDCinotungamirirwa naVaNelson Chamisa vachiratidzira muHarare vachiti hupfumi hwenyika hwaparara.

Vechidiki vebato reMDC mudunhu reHarare vapinda mumigwagwa yeguta reHarare vachikurudzira kuti mutungamiri wenyika vasiye chigaro vachiti vauraya upfumi hwenyika.

Vechidiki ava, avo vangangosvika mazana maviri, vatenderera migwagwa yakawanda muguta vachiratidzira vachinyunyuta nekwavanoti kuoma kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Sachigaro weboka revechidiki muMDC mudunhu reHarare, VaStanley Manyenga, vanoti kuratidzira uku kwanga kwakarongwa nenhengo dzebato ravo dzechidiki, asi mushure mekunge vapinda mumigwagwa zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kurwadziwa nemamiriro ezvinhu zvazobatana navo.

VaManyenga vanoti vatenderera mumigwagwa yemuHarare kwenguva ingada kuita maawa maviri vachiratidzira murunyararo kusvika pazouya mapurisa achivaparadza achikanda utsi hunokachidza, pamwe nekurova vanhu vasineyi nezvanga zvichiitika.

Vanoti vanga vasati vanzwa kana paine asungwa muchiitiko ichi, asi vati vane ruzivo nezvekukuwadzwa kwevanhu vavanoti vanga vachiratidzira murunyararo.

Vechidiki ava vanoti vapinda mumigwagwa vasina kunge vazivisa mapurisa sezvo mapurisa anga asiri kuvapa mvumo nguva dzose dzavanga vachiazivisa kuti vari kuronga kuratidzira.

Studio 7 yakundikana kubata mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare kanawo mutauriri wemapurisa munyika yose, Assistant Commssioner Paul Nyathi panyaya iyi.

Asi mumwe wevechidiki veZanu PF muHarare, VaAlex Gakanje, vanoti vechidiki veMDC varatidzira ava havana han’ya neveruzhinji asi kuti nematumbu avo, sezvo vari kuramba kutambira zvakabva kune veruzhinji, zvekuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo dzapfuura.

VaGakanje vanoti kana bato rinopikisa iri riine chokwadi chekuti rinoda kugadzirisa matambudziko ari munyika, rinofanirwa kubatana nevamwe vose vafamba vari pamwechete.

Hurukuro naVaStanley Manyenga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG