Accessibility links

Breaking News

Mapurisa emuKwekwe Anorambidza Musangano weMDC Alliance Achiti Anotyira Chirwere cheTyphoid


Mutauriri waVaNelson Chamisa, Doctor Nkululeko Sibanda.

Mapurisa emuKwekwe mudunhu reMidlands arambidza MDC Alliance kuita musangano muguta iri nemusi weSvondo achiti anotyira kupararira kwechirwere chemanyoka che Typhoid, icho chinonzi chiri kunetsa munzvimbo iyi.

Mubatanidzwa weMDC Alliance wakange waudza mapurisa kuti uchange uchizoita musango kuMbizo uko kwange kuchitarisirwa zviuru gumi nezvisere zvevanhu.

Zvichitevera danho remapurisa iri, mutauriri wemutungamiriri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, Doctor Nkululeko Sibanda, vaudza Studio 7 kuti bato ravo raendesa nyaya iyi kumatare edzimhosva, vachiti vanoda kuzivisa vatsigiri vebato ravo kuti musangano uchaitwa chete neSvondo sekurongwa kwazvakaitwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG