Accessibility links

Breaking News

Vanoongorora zveMatongerwo eNyika Vokurudzira Mapato eMDC Alliance neMDC-T Kutaurirana


Muzvare Thokozani Khupe veMDC-T naVaNelson Chamisa veMDC Alliance. Vaviri ava vari kukurudzirwa kuti vagare pasi vataurirane vagadzirisane.
Muzvare Thokozani Khupe veMDC-T naVaNelson Chamisa veMDC Alliance. Vaviri ava vari kukurudzirwa kuti vagare pasi vataurirane vagadzirisane.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vari kukurudzira vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika anoti MDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe neMDC Alliance iri kutungmirwa naVaNelson Chamisa kuti vasendeke parutivi makakatanwa avo vogara pasi kuti vagadzirise zviri kunetsa sarudzo dzemuna 2023 dzisati dzasvika.

Mapato maviri aya ari kurwisana kumatare edzimhosva kuti bato rimwe nerimwe ringe riri iro riri kutungamira MDC yakasiiwa namushakabvu VaMorgan Tsvangirai.

Makakatanwa aya akazoita kuti dare repamusorosoro reSupreme Court riture mutongo wekuti MDC-T yaMuzvare Khupe ndiyo inofanirwa kunge ichitungamira zviri pamutemo.

Bato iri riri kudzingawo nhengo dzeparamende pamwe nemakanzura vakapinda pazvigaro vari pasi peMDC Alliance, richivapomera mhosva yekusateerera.

Pari zvino vechidiki vari kuzviti vakanga vari pazvigaro muna 2014 vakabvuta muzinda weMDC weRichard Morgan Tsvangirai House uri muHararevachiti vari kuda kuti vatungamiri vemapato maviri aya vagare pasi vataurirane.

Vanotungamira sangano reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu vanoti dambudziko riri mumapato eMDC maviri aya rakakonzerwa neVaTsvangirai mbune pavakadoma VaChamisa pamwe naVaElias Mudzuri kuve vamwe vevatevedzeri vavo zviri kunze kwebumbiro remitemo yebato ravo.

VaMaguwu vanoti chaifanirwa kunge chakaitwa naVaTsvangirai kushevedzera kana musangano zvawo we extra ordinary congress vodoma vaviri ava, sezvo zvavakaita izvi zvakaita kuti pavakazoshaya VaChamisa vatore matomu ebato, panguva imwechete zvichitsamwisa vamwe vaiti vaive vakuru vavo.

Izvi zvinotsinhirwa naVaTendai Reuben Mbofana vesangano reNetwork for Social Justice, avo vanoti pakudomwa kwaVaChamisa naVaMudzuri sevatevedzeri vemutungamiri webato ndipo pakabva honye yave kuparadza bato iri.

VaMbofana vanoti kana MDC-T riri bato rechokwadi kuti chinangwa charo ndechekuti rishandure zvinhu kubva kubato riri kutonga reZanu PF, ringadai rakaita shungu yekuti hongu, zvakakanganisika zvakakanganisika rosiyana netsika yekuda kugadzirisa zvinhu kumatare asi kugara pasi vachitaurirana vobuda nechisungo sarudzo dzisati dzasvika.

Hurukuro naVaFarai Maguwu pamwe naVaTendai Reuben Mbofana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG