Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yokurudzira Vachakwikwidza Musarudzo Zviri Kunze kweChibvumirano Kuti Vasiyane Nazvo


Vachamirira mubatanidzwa weMDC Alliance musarudzo, VaNelson Chamisa

Dzimwe nhengo dzemapato ari MDC Alliance dzainge dzanyoresa kukwikwidza musarudzo zviri kunze kwechibvumirano chekushanda pamwe chete chakaitwa nemapato aya dzatanga kubvisa magwaro adzo kuZimbabwe Electoral Commission mushure mekunge vakuru-vakuru vemubatanidzwa weMDC Alliance vadzikurudzira kuti dziremekedze chibvurano nekutsigira nhengo dzichamirira mubatanidzwa uyu musarudzo.

NeMuvhuro vakuru-vakuru vemubatanidzwa weMDC Alliance vakaita musangano pamuzinda weMDC-T nevachapinda musarudzo apo vakaita chisungo chekuti vese vakanyoresa kupinda musarudzo vasina kudomwa neAlliance havafanire kuenderera mberi nekukwikwidza musarudzo.

Pakagara dare reNomination Court svondo rapfuura, nhengo dzemapato aya mumatunhu akawanda munyika, dzakanyoresa kuti dzikwikwidze muConstituency imwechete dziri mbiri kana kudarika sezvo dzainge dzisiri kufara nemadomerwo adzinoti aiitwa vanhu vachimirira mubatanidzwa.

Mutauriri werimwe remapato ari MDC Alliance reMultiracial Christian Democrats, VaSebastian Mubvumbi, zvakare vaifanira kunge vachimirira Alliance ku Makoni North musarudzo dzeNational Assembly, ndevamwe vasina kufara nemafambiro akaita zvinhu paNomination Court.

Asi vachitaura mushure memusangano wanezuro vanoona nezvekurongwa kwemusangano muMDC-T, VaAmos Chibaya, vakati vese vakanyoresa kupinda musarudzo zviri kunze kwechibvumirano varegedze kuita izvi.

Mutauriri weTranform Zimbabwe, VaJustin Makota, vaudza Studio 7 kuti vanhu vachatevedza chisungo chakabuda pamusangano wanezuro.

Vati nhengo dzebato ravo dzainge dzadomwa kuti dzimirire Alliance kunzvimbo dzakaita seBikika East, Harare South, Masvingo South neMuzarabani North dziri kukwikwidzwa nenhengo dzemamwe mapato ari muAlliance.

Vamwe vakaita saVaWilton Njanjasi veMDC-T inotungamirirwa naVanelson Chamisa, vainge vanyoresa kuti vakwikwidze kuKuwadzana West uko kunaAmai Miriam Mushayi vakadomwa neAlliance, vakazivisa nezuro manheru kuti havachapinda musarudzo uye vave kutevedza gwara reAlliance.

Vakati vakange vanyoresa kupinda musarudzo sezvo vainge vasina kufara nemaitirwo akaitwa zvinhu pakudoma vachamirira Alliance.

Mutauriri weMDC inotungamirirwa naProfessor Welshman Ncube, VaKurauone CHihwayi vaudza Studio 7 kuti zvisineyi nezvakaitika kuNomination Court, MDC Alliance yakabatana uye veruzhinji vanofanira kuvhotera vamiririri veAllaince musarudzo.

Mutemo wesarudzo munyika unopa vanhu mazuva manomwe kubva paNomination Court kuti vabude musarudzo uye haubvumidze kubuda musarudza kana magwaro ekuvhotesa kana kuti ma ballot paper adhindwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG