Accessibility links

Breaking News

Mashoko aVaMbalula Okonzera Mutauro muSouth Africa


Gurukota rinoona nezvemapurisa muSouth Africa, VaFikile Mbalula.
Gurukota rinoona nezvemapurisa muSouth Africa, VaFikile Mbalula.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa, kusanganisira mumiriri weZimbabwe munyika iyi, VaIsaac Moyo, zvaramba mashoko egurukota rinoona nezvemapurisa muSouth Africa, VaFikile Mbalule, ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kutiza muchiuto ndizvo zviri kupara mhosva huru munyika iyi.

Mumashoko avakaburitsa neChipiri vachipindura VaMbalula, VaMoyo vakati hurumende yeZimbabwe haibvumire vanhu vayo kuita zvehumbavha nekudaro mutemo unofanirwa kutora matanho awo pose panenge pakafanira.

Asi vakatiwo havatambiri havatambiri zvakawanda zvavanoti hazvina kumbowo zvakataurwa naVaMbalula, izvo vanoti zvakataurwa pasina matanho ekutsvaga chokwadi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa reZimbabwe Exiles Forum, VaTino Mambeu, vanoti vanoshorawo zvikuru mashoko akataurwa naVaMbalula aya, vachiti haana humbowo hwekuti zvizvarwa zveZimbabwe ndizvo zviri kupara dzimhosva dziri kutaurwa idzi.

VaMambeu vanoti hungo vanhu vari kupara mhosva, asi dziri kungoparwa nemarudzi akasiyanasiyana ari muSouth Africa, kusanganisirawo zvizvarwa zvenyika iyi.

Vachitaura kuvatori vachitaura kuvatori venhau neChipiri, VaMbalula vakati kune vanhu vari kupinda muSouth Africa vachibva kuZimbabwe vari kusvikotsaudzira, vanenge vatiza kuchiuto, vari kuba kumabhanga.

Asi VaMbalula vakakasika kuramba kuti mashoko avo haana kunangana nekukuchidzira kurwisana kwemarudzi, vakatiwo kune zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kushanda zvakanaka zvisiri kuita zvehumbavha.

Kunyange vakaramba kuti hazvineyi nekurwisana kwemarudzi, VaMambeu vanoti mashoko aVaMbalula aya anogona kukonzeresa kurwiswa kwezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa.

Hurukuro naVaTino Mambeu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG