Accessibility links

Breaking News

Mutongo paNyaya yaVaMatemadanda Wotarisirwa neChishanu


Munyori mukuru wesangano reZNLWVA, VaVictor Matemadanda
Munyori mukuru wesangano reZNLWVA, VaVictor Matemadanda

Mutongi wedare ramejasitiriti muHarare azivisa kuti achazopa mutongo wake nemusi weChishanu panyaya yemunyori mukuru wesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Associations, ZNLWVA, VaVictor Matemadanda.

VaMatemadanda vari kupomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, pamwe nekuda kukonzera kusagadzikana munyika.

Gweta riri kumirira VaMatemadanda, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza vatori venhau kuti mutongi ati anoda nguva yekutarisisa zvakapirwa kudare asati apa mutongo wake.

Asi Amai Mtetwa vaudzawo nhepfenyuro yeCommunity Radio Harare panze pedare ramejasitiriti kuti havatarisiri kufadzwa nemutongo uchapiwa neChishanu uyu, kana vakatarisa imwe nyaya yakafanana naiyoyi yavari kumirira yaVaEnergy Mutodi, avo vakarambirwa nedare kuti nyaya yavo iraswe.

VaMatemadanda vari kuda kuti dare rirase nyaya yavari kupomerwa iyi, vachiti havana mutemo wavakatyora.

Mutauriri wesangano reZNLWVA, VaDouglas Mahiya, vanoti sesangano vanoona sekunge munyori mukuru wesangano ravo ari kungoshungurudzwa nenyaya dzezvematongerwo enyika.

"Hapana mutemo wenyika unosunga munhu kana achinge ataura nekuda kwemukadzi wemukuru wenyika. handifungi inofanira kuve mhosva," VaMahiya vanodaro.

Hurukuro naVaDouglas Mahiya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG