Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yopika Kuti Ichatora Dunhu reMasvingo Urban muSarudzo


Nhengo dzemubatanidzwa weMDC Alliance kuMasvingo.
Nhengo dzemubatanidzwa weMDC Alliance kuMasvingo.

Nhengo dzebato reMDC Alliance dziri kuvimbisa kubvuta dunhu redhorobha reMasvingo, iro rakatorwa neZanu PF musarudzo dza2013, vachiti chigaro ichi ndechavo kubva pavakatanga musangano weMDC.

Vachitaura ne Studio7, vari kumiririra MDC-Alliance musarudzo dzeparamende, VaJacob Nyokanhete, vanoti rwendo runo havasi kuzorega Zanu PF ichivatorera chigaro chavo.

VaNyokanhete vanoti pasarudzo dzemwedzi uno ivo nevatsigiri vavo havasi kuvata vachifamba vachipinda mudzimba (door to door) umo vari kutsvaga rutsigiro muvanhu kuti vasatorerwerezve chigaro ichi.

VaNyokanhete vanoti kubva musarudzo dzeparamende dza2000, 2005 uye dza2008 MDC yaingokunda Zanu PF mudhorobha reMasvingo asi zvinhu hazvina kufamba mushe musarudzo dza 2013 idzo dzakaona Zanu PF ichikunda.

Mumwe wevatsigiri ve MDC-Alliance ange achifamba nevamwe mudzimba mumusha wekwa Majange nhasi, Muzvare Ruth Mapiye, anoti vari kutaura nevanovhota mudzimba vachivavimbisa kugadzirisa nyika nekudaro vanotora dhorobha nemakanzura awo ose gumi.

VaVasivenyu Chimombe vari kumirira MDC-Alliance ku Ward 6 musarudzo dzemakanzura vanotiwo vanotarisira kukunda zvine mutsindo vachiti vari kushanda nenhengo yavo iri kukwikwidza musarudzo yeparamende kuti vakunde vose uye nemutungamiriri webato ravo VaNelson Chamisa.

Asi vari kumirira Zanu PF muMasvingo Urban, VaBenard Taguma Mazarire vaudza Studio7 parunhare kuti chigaro ichi hachichafi chakadzokera kuMDC-T vachiti vanochidzosa kubato ravo.

VaMazarire vanoti vari kutsvagawo rutsigiro zvakasimba uye vachishandisawo nzira iri kuitwa neve MDC Alliance yekupinda mudzimba.

Asi sachigaro wevechidiki muMDC-Alliance muMasvingo, VaPeacemaker Mapope vanoti Zanu PF yakatora chigaro muna 2013 nekubira nekudaro vechidiki rwendo runo vachachengetedza mavhoti evanhu kuti asabiwe kana kuvhota kwapera.

Mubatanidzwa weMDC-Alliance unotiwo mutungamiriri wawo, VaChamisa vachakunda zvine mutsindo muMasvingo uye vanotarisira kuti vachagadzirisa hupenyu hwevanhu hwakange hwawondongwa neZanu PF.

Kunyange kune vakwikwidzi makumi maviri nevatatu pasarudzo yemutungamirir wenyika, vazhinji vanoti makwikwi chaiwo ari pakati paVaChamisa nemutungamiri weZanu PF, uye vari mutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa.

Nyaya ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG