Accessibility links

Breaking News

Bhaisikopo 'Lost Tongue' Rinowana Mubairo weWomen Film Critics Circle kuNew York


Kubikwa kwebhaisikopo 'Lost Tongue'
Kubikwa kwebhaisikopo 'Lost Tongue'

Bhaisikopo refu rinonzi 'Lost Tongue' iro rinorondedzera nezve rurimi rwechi N!uu rwunotaurwa nevanhu verudzi rweKhomani San, vanowanikwa mugwenga reKalahari kuSouth Africa, rakashura mare neSvondo manheru mushure mekuwana mubairo unokosha weWomen Film Critics Circle Award.

Mubairo uyu wakapiwa pamabiko akaitwa kumutambo weSocially Relevant Film Festival uchangobva kupera ku New York, muno muAmerica.

Bhaisikopo iri rakaitwa nekambani yeMvura ya Afrika Productions ichi tungamirwa nechizvarwa cheZimbabwe, VaDavison Mudzingwa.

Vachitaura vari kuJohannesburg, South Africa, VaMudzingwa vanoti vakafadzwa zvikuru nekuwana mubairo uyu sezvo bhaisikopo ravo rakakwanisa kuve pakati pemabhaisikopo masere akawana mubairo kubva pamabhaisikopo makumi mana nemapfumbamwe.

“Chiitiko ichi chakatifadza, uye chakatikatyamadzawo kuti pamabhaisikopo makumi mana nemapfumbamwe airatidzwa ikoko mumipanda yakasiyanasiyana inosanganisira iyo ma documentary marefu munove mataive tiri, nema documentary mapfupi uyewo mafirimu aya anonzi pachirungu efiction, tinge tichipiwawo mubairo pavasere vakawana,” VaMudzingwa vanodaro.

Vanoti vanofunga kuti kucherechedzwa kwavakaitwa uku kuchabatsira zvikuru kuti hurumende yeSouth Africa ichengetedze mutauro wechi N!uu uyu.

VaMudzingwa, vanove chizvarwa cheZimbabwe, vanoti vanofungidzira kuti mubairo wavakawana uyu pamwe nerukuremekedzo rwacho zvichaitawo kuti dzimwe hurumende dzakaita seZimbabwe, uko kune mitauro inosanganisira Nambia, Ndau neKalanga iyo yave kukotama irarame.

“Izvozvi izvi zvakakoshawo kuti iyeni sechizvarwa cheZimbabwe ndinge ndichisvika pakunzwa manyavi kuti inyaya inofanirwa kunge ichiongororwawo mukati mehurumende yeZimbabwe kuti zvigadziriswe mukati menyika yedu kunzvimbo dzakasiyanasiyana dzine mitauro yave kusvika pakunge ichi kotama nekutsakatika,” vanodaro VaMudzingwa.

Vanoti kunyange hazvo rwendo rwebhaisikopo ravo kuAmerica rwapera, havasi kumira sezvo riri kutarisirwa kuratidzwa zvakare kuSingapore kuWorld International Film Festival mwedzi unouya kozotiwo muna Chikunguru kuCanada kumakwikwi e Best Feature Documentary.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG