Accessibility links

Breaking News

Sangano reZCTU Roshushikana neKunyimwa Rezinesi Kwakaitwa KWESE TV


Muridzi weKWESE TV neEconet, VaStrive Masiyiwa
Muridzi weKWESE TV neEconet, VaStrive Masiyiwa

Sangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kushushikana zvikuru nekunyimwa rezinesi rekutepfenyura kwenhepfenyuro yeKWESE TV, iyo iri pasi pamuzvinabhizimusi ane mukurumbira munyika, VaStrive Masiyiwa.

VaMasiyiwa, avo vanove zvakare muridzi wekambani yenharembozha yeEconet, vakanyimwa mvumo neBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, iyo isina kuburitsa zvikonzero zvekutora kwayo danho iri.

Mugwaro ravaburitsa, munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo vanoti kurambidzwa kutepfenyura kweKWESE TV chiratidzo chiri pachena chekuti hurumende haidi kuti vana veZimbabwe vawane mukana wekunzwawo pamwe nekuona zvimwe zvakasiyana nezvinotepfenyurwa nenhepfenyuro dzehurumende dzakaita seZBC.

KWESE TV yakapiwa marezinesi ekushandira munyika dzakawanda muAfrica, dzinodarika gumi dzinosanganisira Zambia, Botswana, South Africa, Rwanda, neKenya, asi ichi nyimwa kutepfenyura kumusha kwaVaMasiyiwa, kunove kuZimbabwe,

VaMoyo vanoti zvinokatyamadza kuti BAZ haisi kutaura zvikonzero zviri kuita kuti inyime VaMasiyiwa rezinesi, vachiti asi vanofunga kuti zvine chekuita nekumbonyimwa zvakare kwavakaita rezinesi reEconet.

"Makore makumi matatu nemanomwe nyika yawana kuzvitonga kuzere, hurumende inofanirwa kunge yasunungura masaisai ichibvumidzawo vamwe vakazvimirira kupindawo mudariro. Nguva yakwana yekuti vana veZimbabwe vachipiwa mikana yekusarudza zvavanoda kuona kana kunzwa sezvonitikawo kune dzimwe nyika," VaMoyo vanodaro.

Ruzhinji rwenyika rwuri kuona sekunge hurumende yarasikirwa nemukana mukuru kwazvo wekuti vana veZimbabwe vaisiri kukwanisa kuwanira mabasa vapindewo pamabasa aizounzwa neKWESE TV.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG