Accessibility links

Breaking News

Dare rePamusorosoro muKenya Rinorasa Zvakabuda muSarudzo dzeMutungamiri weNyika


Vatongi vedare repamusorosoro muKenya
Vatongi vedare repamusorosoro muKenya

Dare repamusorosoro remuKenya nemusi weChishanu rakarasa zvakabuda musarudzo dzemutungamiri wenyika dzakaitwa mwedzi wapera, idzo dzarinoti hadzina kufambiswa zvakanaka, richiti dzimwe sarudzo itsva dzinofanirwa kuitwa mukati memazuva makumi matanhatu.

Sarudzo dzemwedzi wapera idzi dzakaona mutungamiri wenyika ari pachigaro, VaUhuru Kenyatta vachikunda vaivapikisa VaRaila Odinga. Asi VaOdinga vakabva vakwira kudare vachinyunyuta vachiti sarudzo idzi dzakanga dzabiridzirwa zvemhando yepamusoro.

VaOdinga vakanyunyutawo vachiti michina yesarudzo yakanga yatambwa nayo izvo vakati zvakanga zvkanganiswa mashandiro ayo, uye zvakabuda musarudzo.

Pavatongi vatanhatu vedare repamusorosoro iri, vatongi vana vatenda kuti sarudzo idzi dzidzokororwe, vaviri vachipikisa.

Vachipa mutongo wavo, mukuru wevatongi, Chief Justice David Maraga vanonzi vati pachitarisw humbowo hwese huripo, vagutsikana kuti sarudzo idzi hadzina kuitwa pachitevedzerwa bumbiro remitemo. Vatiwo vachazivisa zvizere mumazuva ari kuetevera.

Mukuru wesangano reZimbabwe Election Support Network, ZESN, Amai Rindai Chipunde-Vava, avo vakaongororawo sarudzo idzi, vanoti zvaitika muKenya izvi chisionekwi mudzi webwe.

"Izvi zvinoratidza kuti matare avo achiri akasununguka. Aka ndekekutanga muKenya uye Africa yose kuti zvakabuda sarudzo dzemutungamiri wenyika zvinoraswa," Vanodaro Amai Chipfunde-Vava.

Vanoti kunyange hazvo muZimbabwe zvakadai zvisati zvaitika, zvinhu zvavakatarisirawo uye kushuvira kuti dai zvakadai zvichiitikawo, kwete muZimbabwe chete, askuti nekune dzimwe nyika zvekuti matare anotonga akasununguka.

Zvichakadaro, bato rinopikisa reMDC-T raburitsawo gwaro rekuti rinotambira zvabuda mudare izvi, richiti sarudzo dzinofanirwa kunge chiri chinhu chinopa vavhoti mukana wekusarudzo wavanoda vakasununguka, pasina kubiridzirwa kwesarudzo.

Izvi zvatsinhirwawo nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, iro raburitsawo gwaro rekupembedza mutongo wedare repamusorosoro uyu, richiti rino shuvirawo kuti Kenya ichadzokorora sarudzo idzi murunyararo.

Hurukuro naAmai Rindai Chipfunde-Vava
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG