Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Obuda Pachena Kekutanga Kuti ari Kutsvaga Kuna VaItai Dzamara


VaItai Dzamara

Mapurisa anoti ari kukurudzira veruzhinji vangadai vaine ruzivo nekune murwiri wekodzero dzevanhu, VaItai Dzamara, avo vakapambwa vakatsakatika nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, neMuvhuro vakaburitsa mashoko ekuti ani nani zvake angadai aine ruzivo nekuna VaDzamara azivise mahofisi ematikitivha ekudivi reLaw and Order muHarare panhamba dzinoti (04) 251505 kana 753411, kana kuzivisa mapurisa ari pedyo naye.

Aka ndiko kekutanga papurisa achibuda pachena kuti ari kutsvaga VaDzamara kubva pavakatsakatika musi wa 9 Kurume 2015 mumusha weGlen View.

Danho remapurisa iri rinonzi rapawo mibvunzo kumhuri yekwaDzamara, iyo inoti yashamiswa kunzwa mashoko emapurisa achibuda mumaterevhizheni nemudzinhepfenyuro, pasina chavamboudzwawo semhuri yake.

Mutauriri wemhuri yekwaDzamara uye vari munin'ina vaVaItai Dzamara, Doctor Patson Dzamara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG