Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reMadzimai Madzimai Achichema neKusaenzaniswa kweMikana


Amai Priscilla Misihairambi-Mushonga mumwe wevanhu vanorwira kodzero dzevanhukadzi

Zimbabwe yacherechedza zuva revanhukadzi pasi rose, reInternational Women’s Day, vanhukadzi vazhinji vachichema-chema nekusazadzikiswa kwebumbiro remitemo munyaya dzekuenzaniswa kwemikana.

Mumusangano warongwa neUN Women muHarare, madzimai ataura neStudio7 ati kunyange hazvo vafamba mukurwira kodzero dzavo, kusazadzikiswa kwebumbiro remitemo kunoratidza kuti pachine basa guru rekuti kodzero dzemadzimai dzicherechedzwe munyika.

Nhengo yekomisheni inoona nezvekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume, Dr Nyepudzai Mercy Nyangulu, vati vakatarisana nebasa guru rekuona kuti madzimai acherechedzwawo sevatungamiri. Amai Nyangulu vati kunyange hazvo bumbiro remitemo rakanaka, harisi kutevedzerwa.

Muzvare Mary Tazvivinga vati vacherechedza zuva revanhukadzi vaine mufaro mukuru nekuda kwekuti madzimai emunyika ari kuratidza kuti ari kusimuka achirwira kuenzaniswa kwemikana.

Muzvare Tazvivinga vatiwo semunhukadzi vanodawo kuti madzimai awaniswe mikana yakaenzana nevanhurume yekuwana ivhu pamwe nemari yekutanga mabhizimusi.

Munyori mukuru mubato reMDC inotungamirirwa naVaWelshman Ncube, Amai Mirriam Mushayi, vakurudzira nyika kuti ikoshese madzimai.

Mumwe mudzimai ari mune zvematongerwo enyika, Amai Priscilla Misihairambwi-Mushonga, vati vanoona sekuti madzimai haana kubatana pamwe chete, zvikuru madzimai echikuru nemadzimai echidiki.

Amai Misihairambwi-Mushonga vatiwo chinovafadza pamhemberero dzegore rino inyaya dzesarudzo dzichaitwa. Vati shoko ravo guru nderekuti madzimai avhoterane pazvigaro gore rino.

UN Women yapemberera zuva iri pasi pedindingira rekuti “Time is now:Rural and Urban activists transforming women’s lives.”

Nyaya ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG