Accessibility links

Breaking News

Vachakwikwidza Vakazvimirira muSarudzo Vanoumba Mubatanidzwa wePOVO


Mubatanidzwa wechakwikwidza vakazvimirira wePOVO wakapurwa muHarare neChina
Mubatanidzwa wechakwikwidza vakazvimirira wePOVO wakapurwa muHarare neChina

Vamwe vanhu vachakwikwidza sarudzo dzegore rino vasina mapato avakamirira vakaparura mubatanidzwa wavo, wePeople’s Own Voice kana kuti POVO.

Vachitaura pagungano rekuparura mubatanidzwa uyu, mutauriri wemubatanidzwa uyu, Mufundisi Evan Mawarire, vakati chinangwa chavo ndechekushanda pamwe chete vachitsvaga rubatsiro kuti vakunde musarudzo kuitira kuti vagadzirise zvinhu muHarare izvo vanoti zviri kuvhiringwa nemakanzuru anobva kumapato ezvematongerwo enyika.

VaMawarire vakati havasi kuzobvuma kutyityidzirwa kana kuvhunditsirwa nevemapato ezvematongerwo enyika uye POVO inopa vanhu mukana wekusarudzo vane mafungiro akasiyana neavo vanomirira mapato ezvematongerwo enyika.

VaMawarire vakati guta reHarare raparara uye kana vachinge vapinda muhosifi vachagadzirisa zvinhu kuitira kuti marara atakurwe, vanhu vawane mvura yakachena, madzimai akazvitakura nevana vadiki varapwe pachena pamwe nekuvhura dzimba dzekuverengera nenzvimbo dzemitambo izvo vati hazvichashanda.

Vakatiwo POVO icharwisa huwori mukanzuru yeHarare uye vese vanenge vaita huwori vacharangwa zvakaomarara.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru wevanotengesera mumigwagwa, VaStan Zvorwadza, vakati kuuya kwePOVO kwanakanaka chose sezvo sarudzo munyika dzange dziri kutungamirwa nemamwe mapato anoona sekuti ndiwo chete anekodzero yekukwikwidza.

Vati sangano ravo rakazvipira kushanda nePOVO nekuti inomirira zvido zvevanhu.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti POVO idanho rekutanga rakakosha kuvagari vemuHarare nekuti vanoona sekuti mubatanidzwa uyu uchamirira vagari.

VaShumba vanoti pari zvino makanzura emuHarare kubva kuMDC-T neZanu PF anoita zvido zvevatungamiri vemapato avo kwete zvevagari.

Vaimbove gurukota rezvekupodza marwadzo nekuyananisana, Amai Sekai Holland, vakapawo mashoko ekusimbisa POVO vachiti vafara kuti pavanhu gumi nemumwe vadomwa sevamwe vachakwikwidza sarudzo, pane vakadzi vana.

Vakati chinangwa chePOVO chakanaka chose uye haifanire kusandura maitiro sezvakaita mamwe masangano nemapato ezvematongerwo enyika ave kupesana negwaro raakatanga naro.

Vachamirira POVO vanosanganisira VaTrust Mugari vekuWard 45 kuKuwadzana, VaHenry Munangatire veWard 8 kuHighlands, Mufundisi Evan Mawarire vachamira kuWard 17 kuMount Pleasant, VaMarshal Shonhayi vekuWard 25 kuHighfield, naAmai Sarudzai Muringisi vekuWard 14 kuMarlborough.

Amai Muringisi vanoti hapana chimwe chaita kuti vade kukwikwidza kunze kwekuti kanzuru iripo iri kutadza kuita basa rekutakura marara, kugadzira migwagwa nezvimwe.

MuHarare mune makanzura makumi matatu nematatu eMDC-T, gumi eZanu PF, rimwe risina bato kozotiwo pane zvimwe zvigaro zviviri zvisina vanhu.

Mukuru weAlliance for People’s Agenda, VaNkosana Moyo, vari kuda kukwikwidza muNational Assembly muHarare Central, Muzvare Linda Masarira ndevamwe vamiriri vemamwe mapato nemasangano akazvimirira vapindawo muchiitiko chekuparurwa kwePOVO.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG