Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vari Kunze kweNyika Vogadzirira Mhemberero dzeKuzvitonga


VaTakawira Kapikinyu

Zimbabwe iri kusvitsa makore makumi matatu nemanomwe yawana kuzvitonga musi wa 18 Kubvumbi.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri pasi rose zviri kutarisirwa kucherechedza zuva iri nenzira dzakasiyanasiya.

Vamwe vanogara nekushanda muAmerica vanoti vari kuronga kuungana munzvimbo dzakasiyanasiyana kutanga neMugovera vachisangana nehama neshamwari vachidya nekunwa pamwe chete.

Mumwe wezvizvarwa izvi ndaVaTakawira Kapikinyu, avo vari muRockville mudunhu reMaryland.

VaKapikinyu vanobva kwaMutoko mudunhu reMashonaland East.

VaKapikinyu vanoti vachapemberera zuva iri nekutamba mimhanzi pamwe nekudya nekunwa sezvavaingoita paKatsande kwaMutoko dai vanga vari kumusha kwavo.

Asi VaKapikinyu vanoti zvinongovashungurudza ndezvekuti makore makumi matatu nemanomwe nyika yasununguka, zvinhu zviri kutonyanyoomera vanhu, pane kunge zvichitoreruka.

Vanoti kuparara kwaita zvivakwa nemigwagwa muZimbabwe hazvichaita kuti hurumende ingoramba yakapeta maoko, sezvo vanhu vachitarisira kugadziridzwa kwazvo.

VaKapikinyu vanotiwo mukati mekuoma kwezvinhu imomo, Zimbabwe yakakwanisa kuwanisa vana vayo dzidzo yepamusoro, kunyange hazvo ruzhinji rwuri kupedza chikoro rwuri kushaya mabasa munyika.

Hurukuro naVaTakawira Kapikinyu
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG