Accessibility links

Breaking News

Nzara Yotanga Kupfunya Chisero muMashonaland East


Vebato rinopikisa reMDC-T vanoti vari kunyimwa chikafu nehutungamiri hweZanu PF
Vebato rinopikisa reMDC-T vanoti vari kunyimwa chikafu nehutungamiri hweZanu PF

Nzara inonzi yatotanga kupfunya chisero mudunhu reMashonaland East zvichitevera kusanaya kwakanaka kwemvura mwaka uno.

Nzara inonzi yatotanga kupfunya chisero mudunhu reMashonaland East zvichitevera kusanaya kwakanaka kwemvura mwaka uno.

Kana zvinhu zvakanaka, nguva ino ndiyo nguva ingadai vanhu vave kurarama nechibage chemumunda, asi vazhinji mudunhu iri, zvikuru kumatunhu anoti Uzumba, Maramba, Pfungwe, Mudzi, neMutoko, ruzhinji haruna kuwana kana mabvamumunda.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemabasa muboka remadzimai muMDC-T mudunhu reMashonaland East, Muzvare Edna Muswe, vanoti dambudziko renzara riri kunyanya kuwedzerwa nenyaya yekuti hutungamiri hweZanu PF mudunhu iri huri kunyima vatsigiri veMDC-T chikafu chiri kufanirwa kunge chichipiwa vanhu vakatarisana nenzara.

Muzvare Muswe vanoti ivo nenhengo dzebato ravo muUzumba mavanogara vari kunyimwa chikafu vachinzi vaende kunopiwa nemutungamiri webato ravo, VaMorgan Tsvangirai.

“Vanototi mhuru yemombe imoyamwa pamombe saka imi endai munoyamwa kunaTsvangirai,” Muzvare Muswe vanodaro.

Vanoti dzimwe mhuri dzave kutorarama nemichero yesango pamwe nederere remusango.

Studio 7 yaedza kubata mumiriri wedunhu reUzumba muparamende vari nhengo yeZanu PF, VaSimbaneuta Mudarikwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi asi vati titaure navo neChitatu.

Sangano revanogaya upfu munyika reZimbabwe Millers Association rakazivisa mazuva mashoma apera kuti rave kutotenga chibage kubva kunyika dzakaita seMexico, Ukraine neUruguay sezvo nyika dziri pedyo dzakaita seZambia neSouth Africa dzaimbotengesera Zimbabwe chikafu dzakamira kuita izvi.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakatozivisa kare kuti nzara munyika idambudziko guru kuitira kuti nyika nemasangano vanopa rubatsiro vakwanise kupindira mukubatsira nechikafu kana mari yekutenga chikafu.

Kushanduka kwekunze kuchikonzerwa ne El Nino kunonzi ndiko kwaita kuti dunhu rose rekuchamhembe kweAfrica ritarisane nedambudziko rekusanaya zvakanaka kwemvura.

Hurukuro naMuzvare Edna Muswe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG