Vesangano reLaw Society of Zimbabwe vari kukurudzira kuti hurumende imutsiridze homwe inobatsira magweta anomiririra pachena vamwe vanhuwo zvavo vanenge vakatarisana nemhosva huru mumatare epamusoro dzakadai sekuuraya, asi vasina mari yekuti vamiririrwe nemagweta.
Vachitaura neStudio 7 mushure memusangano pakati pesangano reLaw Society of Zimbabwe nevamwe vatapi venhau muBulawayo nezuro manheru, VaEdward Mapara vanove munyori wesangano iri vakati magweta anomirira vanhuwo zvavo pachena vanofanirwa kubhadharwa.
Mutemo wemunyika unoti vanhu vanenge vapara mhosva dzakakura dzakadai sekuuraya havakwanise kutongwa mudare repamusoro munotongwa mhosva idzi vasina magweta.
VaMapara vakati dzimwe nguva magweta anomirira vanhu vakadaro pachena, avo vanoziikanwa vachinzi ma pro deo lawyer muChirungu, vanotadza kuita mabasa avo nemazvo nekuda kwekuti vanenge vasina zvikwanisiro zvakakwana, kunyanya mari, kuti vakwanise kuita basa ravo nemazvo.
Magweta anomiririra vanhu pachena anowanzoshorwa vachinzi havaite mabasa avo nemazvo.
Asi VaMapara vanoti chimwe chimhingamupinyi chinosangana nemagweta akadaro inyaya yekuti havapiwe nguva yakakwana nematare kuti vagokwanisa kumiririra zvizere vanenge vakatarisana nemhosva.
Hurumende yaimbopa mari kumagweta anomiririra vanhu pachena asi yakazomira kuita izvi mushure mekunge nyika yatanga kushandisa mari yekunze zviri pamutemo mugore ra2009.
Kunze kwemasangano anoshanda akazvimirira ega ayo anombobatsira kuti magweta amirire vanhu pachena, VaMapara vanoti panofanirwa kuve nehomwe yekubhadhara magweta ose anomirira vanhuwo zvavo pachena, vachiti sangano ravo riri kushanda kuti homwe iyi inge yavepo mukati menguva pfupi inotevera.
Zvichakadaro mukuru wesangano reLaw Society of Zimbabwe VaMichael Hogwe vakati boka ravo rine mutemo unoripa mvumo yekunyoresa magweta ose anokwanisa kushanda munyika vachitiwo, senzira yekudzivirira kuti vasabirwe mari dzavo nemakoronyera.
VaHogwe vati vanokurudzira veruzhinji kuti vatange vabvunza kusangano ravo kuti magweta avanenge vachida kushanda nawo ndeechokwadi here kana kuti kwete.
Vatiwo kunyange hazvo pangave nemaonero ekuti sangano reLaw Society of Zimbabwe harinyatsotora matanho akakwana kumagweta anenge atyora mitemo, sangano iri rinoita zvose zvarinogona kuona kuti magweta ose ashanda nenzira inotarisirwa.
Mumapepanhau munosibuda nyaya dzemamwe magweta anenge abira vanhu mari kana kutengesa zvinhu zvakadai sedzimba zvisiri pamutemo.
Ibasa resangano reLaw Society of Zimbabwe rekuti magweta akadaro awongororwe potorwa matanho akafanira kana vawanikwa vaine mhosva.
Facebook Forum