Hurumende yeZimbabwe inonzi yakasvitsa zviri pamutemo neChipiri, nyunyuto yayo pamusoro pemabatirwo anonzi akaitwa gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSibusiso Moyo, nevanhu vaitaridzira kuLondon svondo rapera.
Bepanhau reHerald rinoti hurumende yakashevedza mumiriri weBritain muZimbabwe ikamuzivisa nekusafara kwayo nekusachengetedzwa zvakasimba kwegurukota iri, izvo zvinonzi zvakapa mukana vanhu vairatidzira ava kuti vasvike pedyo naVaMoyo uye kuvadira mvura.
Asi vamwe vevakaratidzira ava vakaudza Studio 7 kuti mumwe murume muchikwata chaVaMoyo ndiye akakonzeresa mhirizhonga iyi, mushure mekunge arova mumwe mudzimai airatidzira.
VaPanyika Karimanzira vesangano reRestoration of Human Rights Zimbabwe, vanoti mhuri dzevamwe vevanhu vakaratidzira ava dziri kuZimbabwe dzave kutyisidzirwa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndevehurumende.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvagara zvichiratidzira pamizinda yenyika kana kumisangano inenge ichipindwa nevatungamiri venyika kana makurukota avo senzira yekuratidza kunyunyuta kwazvo nemafambisirwo ari kuitwa zvinhu kumusha.
Mukupera kwesvondo rino, nhengo dzebato reMDC muno muAmerica dziri kutarisirwa kuratidzira muno muWashington D.C., vachinyunyuta nekusungwa kwavanoti kuri kuitwa vanhu kumusha nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mu MDC mudunhu re America, VaTimothy Muringai, vanoti kuratidzira kuri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kunobatsirawo kuti pasi rose rinzwe matambudziko akatarisana nevana veZimbabwe.
VaMuringai vanoti mukupera kwesvondo nhengo dzavo dzicharatidzira muWashington D.C. nemuCanada dzichitsigira nhengo dzeMDC dzakasungwa kumusha, uye kubatana nevana veZimbabwe vari kushupika kumusha.
Asi sachigaro webato reZanu PF mudunhu muAmerica, VaFrenk Guni, vanoti zviri kuitwa nevamwe vemapato anopikisa pamwe nemasangano zvekuratidzira vachinyadzisa makurukota izvi hazvina hunhu.
VaGuni vanoti kunyange hazvo iri kodzero yemunhu wese yekuratidzira, vanhu havafanirwe kutyorawo kodzero dzevamwe nezita rekuti kodzero.
Facebook Forum