Mutongi wedare repamusoro, Amai Priscilla Chigumba, vapa mutongo unorambidza boka reJudicial Services Commission, JSC, kuenderera mberi nekutsvaga muchuchisi mukuru wenyika, kana kuti Prosecutor-General mutsva.
Izvi zvinotevera nyaya yakakwidzwa kudare iri nesangano remagweta anorwira kodzero reZimbabwe Lawyers for Human Rights, richipikisa danho reJudicial Services Commission rekutsvaga munhu aizotora basa iri.
Sangano remagweta iri raiti mumagwaro aro ekupikisa danho hazvisi pamutemo kuti JSC itange kutsvaga mumwe muchuchisi mukuru ipo paina VaRay Goba vakapiwa basa iri nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe mushre mekusarudzwa pakati pevamwe vaviri vane mazita akanga asarudzwa.
Gweta ranga rakamirira ZLHR, Advocate Eric Matinenga, vanoti kuburikidza nemutongo uyu, VaGoba vanofanirwa kudzokera pabasa kana vakanga vambomira kuenda kubasa.
Facebook Forum